Accessibility links

Breaking News

ZIMVAC Inoti Varume Vakawanda Vari Kumbunyikidzwa Mudzimba neMadzimai kuMatabeleland South


Madzimai ari pamusangano wekuzeya nyaya yemhirizhonga mudzimba
Madzimai ari pamusangano wekuzeya nyaya yemhirizhonga mudzimba

Imwe ongororo yakaitwa nesangano reZimbabwe Vulnerability Assessment Committee kana kuti ZIMVAC inoratidza kuti varume vakawanda vanoti vari kumbunyikidzwa mudzimba nemadzimai kuMatabeleland South.

Varume vanoda kusvika zvikamu zvinomwe kubva muzana kana kuti 6,9% zvichienzaniswa nemadzimai anodarika zvikamu zvina kubva muzana kana kuti 4,1% vakati vari kushungurudzwa mudzimba.

Varume vanoti vari kushungurudzwa nenyaya dzebonde, kutukwa nekurohwa.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano rePadare/ Enkundleni Mens Forum iro rinorwira kuenzaniswa kwemikana pakati pemadzimai nevanhurume VaPaul Vingi vaudza Studio 7 kuti zvirikubuda muoongoro iyi hazvishamise sezvo varume vakawanda vasinga bude pachena kana vachimbunyikidzwa nemadzimai avo.

"Kurudziro yedu ndeyekuti kana varume vatarisana nedambudziko rekushungurudzwa mudzimba vanofanirwa kubuda pachena vawane rubatsiro kwete kunyarara izvo zvinozoita kuti vapinde munataisireva."

Vaenderera mberi vachitiwo, " Tiri kuwona huwandu hwevarume vari kutora hupenyu hwavo uchikwira nekuti dzimwe tsika nemagariro edu sevatema hadzi kukurudzira kuti vanhurume vabude pachena nekukurukura pamusoro pezvavanenge vachisangana nazvo mudzimba,"

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG