Accessibility links

Breaking News

Bato raVaJoe Biden remaDemocrats Rinonzi Rinogona Kukundwa Musarudzo Nekuda kweHupfumi Husina Kumira Zvakanaka


VaJoe Biden
VaJoe Biden

Vanhu vakawanda muAmerica vataura neVoice of America vanoti nyaya yehupfum ndiyo yavari kunyanya kutarisa pavachavhota musarudzo dzakakosha zvikuru dzedare reHouse of Representatives neSenate.

Izvi zvinonzi nenyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika zvichaomesera zvakanyanya bato riri kutonga remaDemocrats zvichipa mukana kubato rinopikisa remaRepublicans.

Ongororo yakaitwa ne Monmouth University inoratidza kuti vanhu zvikamu makumi masere nemaviri kubva muzana kana kuti 82% havasi kufara nekudhura kwemitengo yezvinhu uye vanhu vatatu pavanhu gumi vanoti havasi kufara nezvirongwa zvekugadzirisa hupfumi zviri kudzikwa nemutungamiri wenyika VaJoe Biden vebato remaDemocrats.

USA-WOMEN/PROTEST
USA-WOMEN/PROTEST

Asi vamwe vanotiwo havasi kufara nemitemo iri kuda kudzikwa nemaRepublicans yekuti madzimai asabvumidzwe kubvisa mimba kunyangwe hupenyu hwavo huri munjodzi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG