Accessibility links

Breaking News

Inflation yeMwedzi waGumiguru Inodzika Zvishoma, Nyanzvi dzeHupfumi Dzichiti Pachine Zvakawanda Zvinoda Kuitwa Kuti Idzikame Zvachose


Zimbabwe National Statistic Agency, Zimstat, inoti inflation yakaderera zvishoma nezvikamu 0.3 percent.
Zimbabwe National Statistic Agency, Zimstat, inoti inflation yakaderera zvishoma nezvikamu 0.3 percent.

Zvirongwa zvekudzikamisa hupfumi hwenyika zvinonzi zviri kuitwa nehurumende pamwe nebhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, zvinonzi nedzimwe nyanzvi mune zvehupfumi zvakwanisa kudzikamisa hupfumi hwenyika, zvichionekwa nekusakwira zvakanyanya kwemitengo yezvinhu kana kuti inflation mumwedzi waGumiguru.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, Doctor Charles Mutasa, vanoti ichokwadi kuti matanho ari kutorwa nebhanga guru renyika reR-B-Z akakwanisa kudzikamisa inflation mumwedzi wapera waGumiguru, asi zvakakosha kuti hurumende iite nhaurirano nevashandi nevashandirwi kuti zvinhu zvinyatosgadzikana.

Izvi zvinotsinhirwa neimwe nyanzvi mune zvehupfumi, VaPersistence Gwanyanya, avo vanotiwo gwara riri kufamba naro hupfumi hwenyika rakanaka kuburikidza nezvirongwa zveRBZ.

Imwe zvakare nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vanotiwo kukwira kwakaita mitengo yezvinhu nezvikamu zvishoma muna Gumiguru chinhu chakanaka chose, asi chinodiwa neveruzhinji ndechekuti mitengo yezvinhu itombomire kukwira kuitira kuti vakwanise kumbotengawo zvinhu.

Asi imwe nyanzvi mune zvehupfumi nekudyidzana kwenyika dzapasi rose, vari zvakare mudzidzisi mukuru wezvemabhizimusi paDevry University muAmerica, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti zvakaburitswa neZimstat zvinoratidza kuti inflation haisi kudzika sekuvimbiswa kwakambenge kwaitwa nehurumende pamwe neR-B-Z.

Muzvinafundo Masocha vanoti chiri kunyanya kuitika nechekuti hurumende iri kuwanza mashoko asi zviri kuzoitika mumabhizimusi zvakasiyana nezviri kuparidzwa.

Vanoti semaonero avo, hurumende haisi kunyatsoshandira vemabhizimusi sezviri kuratidzwa nemafigiri akaburitswa neZimstat aya.

VaKuchera vanodzokawo vachiti zviri kuitwa zvekudzikamisa inflation zvakanaka, asi hurumende inofanirwawo kuwedzera nekuwanisa vemabhizimusi magetsi nezvimwe zvavanoda.

Kunyange hazvo dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzichiti inflation ichakwira nekuda kwezvirongwa zvehurumende zvinoda mari yakawanda zvakaita sezvekurima zvePresidential Inputs Scheme nePfumvudza, uye sarudzo dzegore rinouya, gavhuna veR-B-Z Doctor John Mangudya svondo rapera vakaratidza chivimbo nematanho avari kutora.

Doctor Mangudya vakati vanotariosira kuti inflation yepamwedzi ichatodzika nezvikamu zviri pakati pezvitatu kubva muzana kana kuti 3 percent, nezvikamu zvishanu kubva muzana, kana kuti 5 percent.

Zimbabwe National Statistic Agency, ZimStat, yakazivisa svondo rapera kuti mumwedzi waGumiguru inflation yepamwedzi yakadzikira nezviga zvitatu kubva muzana, kana kuti 0.3 percent kuenda pazvikamu zvitatu nezviga zviviri kubva muzana, 3.2 percent, kubva pazvikamu zvitatu nezviga zvishanu kubva muzana, kana kuti 3.5 percent payaive mumwedzi waGunyana.

Inflation yepagore mumwedzi waGumiguru inonziwo neZimstat yakadzikawo kusvika pazvikamu mazana maviri nemakumi matanhatu nezvisere nezviga zvisere kubva muzana, kana kuti 268.8 percent, ichibva pazvikamu mazana maviri nemakumi masere nezviga zvina kubva muzana, kana kuti 280.4 percent muna Gunyana wegore rino 2022.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG