Accessibility links

Breaking News

VaSikhala Votarisirwa Kumiswa kuMatare eHigh Court neMejastiriti Court Mangwana


Vanomirira Zengeza West mudare reparamende VaJob Sikhala nhasi vamira pamberi pedare repamusoro reHigh Court vachipikisa mutongo wedare ramejastiriti wekuvanyima mukana wekubvisa mari yechibatiso pamhosva yavari kupomerwa yekunzi vaida kupesvedzera mhirizhonga kuNyatsime, pedyo neChitungwiza.

Rimwe gweta ravo vari mutauriri wavo, VaFreddy Masarirevhu vaudza Studio 7 kuti nyaya iyi yambosendekwa parutivi uye ichaenderera mberi ichinzwikwa mudare mangwana.

VaJob Sikhala
VaJob Sikhala

Asi vatiwo VaSikhala nevanomirira Chitungwiza North mudare reparamende VaGodfrey Sithole vanenge vachitarisirwa kumiswa pamberi pedare ramejastiriti mangwana zvekare mukutanga kutongwa kweimwe mhosva yavari kupomerwa yekukonzera mhirizhonga.

VaSikhala, naVaSithole vakasungwa muna Chikumi nevamwe gumi nevashanu vachipomerwa mhosva dzekurudzira mhirizhonga mushure mekupondwa kwenhengo yebato reCCC Muzvare Moreblessing Ali.

Kusungwa kwavo kuri kushorwa zvikuru nenyika dzakaita seAmerica, Britain, nemasangano anomirira nhengo dzeparamende pasi rose uye masangano anorwira kodzero dzevanhu.

VaSikhala nevamwe vavo vari kujeri reChikurubi uko magweta avo anoti vakaiswa munochengeterwa mhondi kunyangwe vasati vabatwa nemhosva.

Magweta kusanganisira mutungamiri webato ravo reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa vari kurambidzwa kuvaona.

VaZiyambi Ziyambi
VaZiyambi Ziyambi

Asi gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vanoti VaSikhala vari mujeri nemhosva dzavari kupomerwa kwete kuti vari kushungurudzwa nezvematongerwo enyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG