Accessibility links

Breaking News

Vamwe muZIFA Vanoti Vachatsigira Zvikwata zvemuAfrica kuWorld Cup Sezvo Zimbabwe Yakamiswa Kutamba Nhabvu


VaWellington Mpandare vesangano reZIFA

Vanoona nezve zvikwata zvenhabvu muZIFA VaWellington Mpandare vanoti zvinosuwisa kuti chikwata chema Warriors chichange chisiko kumakwikwi e 2022 FIFA World Cup achatanga kuQatar mwedzi uno uya.

VaMpandare vanoti sangano ravo neveruzhinji munyika vachange havo vachitsigira zvikwata zvemuAfrica zvakabudirira kupinda mumakwikwi aya.

Zvikwata zvakakwanisa kupinda mumakwikwi aya kubva kuAfrica zvinoti Senegal iri mugroup A, Tunisia iri mugroup D, Morroco iri mugroup F, Cameroon iri mu group G ne Ghana iri mugroup H.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG