Gurukota rinoona nezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vanoti hapana kudududza panyaya yekuvandudza mutemo une chekuita nemashandiro emasangano akazvimirira oga wePrivate Voluntary Organization Act.
VaZiyambi vati mamwe masangano akazvimiria oga ange oshandiswa mukutsvagira rubatsiro kumapato ezvematongerwo enyika.
Asi gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaWilbert Mandinde vanoshanda neZimbabwe Human Rights NGO Forum vaudza Studio 7 kuti mitemo inorambidza vekunze kupa mapato mari uripo nekudaro hapana chikonzero chekuti hurumende iti iri kuda kudzika mutemo wakadaro zvakare.
Vati mutemo uyu ukavandudzwa, masangano akazvimirira anenge asisina kusungunuka kushanda munyika.
VaZiyambi vataura mashoko aya kuBulawayo pamusangano wemazuva mashanu wakarongwa nebazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika wakanangana nekuyedza kusimbaradza hukama nedzimwe nyika kana kuti "Retooling Zimbabwe's Diplomacy for Accelerated Economic Transformation: Through Re-Affirmation, Engagement and Re-Engagement"
Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFredrick Shava vaudza musangano uyu kuti Zimbabwe yabudirira mudonzvo rayo guru rekuyedza kuumba hukama nenyika dzekunze.
Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti vari kutaura mashoko aya kunyangwe hazvo nyika dzakaita seAmerica neBritain dzichiri dzakatemera vamwe vakuru vehurumende zvirango vachipomerwa mhosva yekutonga nedemo.
Facebook Forum