Amai Ellen Sikhala, mudzimai wemumiriri weZengeza West mudare reparamende VaJob Sikhala vanoti varambidziwa kuvapa keke ravo rebhavhudhe nhasi mujeri reChikurubi. VaSikhala vasvitsa makore makumi mashanu.
Vakasungwa muna Chikumi nevamwe gumi nevatanhatu kusanganisira mumiriri weChitungwiza North VaGodfrey Sithole. Vaipomerwa mhosva yekupesvedzera mhirizhonga kuChitungwiza mushure mekuurayiwa kwenhengo yebato ravo rinopikisa reCitizens Coalition for Change kana kuti CCC Muzvare Moreblessing Ali.
Mutungamiri webato reCCC VaNelson Chamisa avo vakarambidzwa kuona VaSikhala svondo rapera vashora nyaya yekurambidzwa kwemudzimai wavo kuvapa keke.
Mabatirwo aVaSikhala ari kushorwa zvikuru munyika nekunze uye dare reparamende muBritain rakurudzira Mambo Charles kuti vasimudze nyaya iyi pamusangano nemutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa mwedzi unouya.
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaKennedy Masiye vaudza Studio 7 kuti zviri kutaurwa neBritain zvakakosha nekuti hurumende yeZimbabwe iri kutonga nedemo uye mabatirwo ari kuitwa nyaya yaVaSikhala nevamwe anotyora bumbiro remitemo.
Asi vachipindura, mutauriri webato reZanu-PF VaChris Mutsvangwa vaudza Studio 7 kuti Britain haifanire kuudza Zimbabwe zvekuita.
Facebook Forum