Accessibility links

Breaking News

Mutevedzeri weMutungamiri weZanu PF VaChiwenga Vanoti Kongiresi Haisi Kuzotsvaga Mutungamiriri weBato Sezvo VaMnangagwa Vakasarudzwa Kare


Mutevedzeri wemutungamiri weZanu PF, VaConstantino Chiwenga vazivisa kuti hapana sarudzo dzekutsvaga mutungamiri webato dzichaitwa nekuti VaMnangagwa.

Mutevedzeri wemutungamiriri weZanu PF, VaConstantino Chiwenga vazivisa kuti kongiresi yebato ravo haisi kuzoita sarudzo dzekutsvaga mutungamiriri webato iri sezvo nhengo dzese debato iri dzakabvumirana kare kuti VaEmmerson Mnangagwa vaenderere mberi kwemamwe makore mashanu anotevera nekuti vari kugona basa.

VaChiwenga vaudza musangano wekongiresi uri kuitwa muHarare kuti hapana sarudzo dzichaitwa nekuti nhengo dzeZanu PF dzinofara nehutungamiriri pamwe nemabasa ari kuitwa naVaMnangagwa.

Vati nekuda kwekuti VaMnangagwa vari kugona basa ravo, vacharamba vari mutungamiri webato uyewo ndivo vachamirira Zanu PF musarudzo yemutungamiriri wenyika gore rinouya.

VaChiwenga vakurudzirawo nhengo dzebato ravo kuti dzivhotere VaMnangagwa musarudzo dza2023 kuti vaenderere mberi semutungamiriri wenyika.

Mutauriri weZanu PF, VaChris Mutsvangwa, vaudza Studio 7 kuti kongiresi ichaita chisungo chekutambira VaMnangagwa semutungamiriri weZanu PF zvichitetevera kudomwa kwavakaitwa nematunhu ese nemapazi ese ebato iri akaita serevechidiki, remadzimai pamwe nevakarwa hondo yerusununguko.

Imwe nhengo yeZanu PF inogara kuBritain iyo iri kupinda mukongiresi iyi, Doctor Masimba Mavaza, vatiwo zvaitika nhasi zvaratidza kuti VaMnangagwa vanofarirwa munyika yese.

Zvichakadai mumashoko avo ekuvhura kongiresi, VaMnangagwa vati musango uyu uchabuda nemitemo ichashandiswa kutungamira bato kwemakore mashanu anotevera, kusandura bumbiro remitemo kuti rienderane nezviri kuitika munyaya dzehupfumi nemagariro evanhu.

Musangano uyu uchagadzawo vatungamiriri vatsva vematare eCentral Committee mazana matatu nevana uyewo ve Politiburo makumi mana nevapfumbamwe.

VaMnangagwa vati remangwana renyika rakajeka chete kana Zanu PF ikaramba iri panyanga uye vati ichakunda musarudzo dzegore rinouya.

Vati Zanu PF yagadzirira kupinda musarudzo idzi uye yakatounganidza zvese zvinodiwa kuti ikunde musarudzo.

Izvi zvatsigirwa naVaMutsvangwa avo vati kupinda musarudzo kwemamwe mapato anopikisa akaita seCitizens Coalition for Change kutambisa nguva nekuti Zanu PF ichakunda zvine mutsindo.

Asi CCC inogaro taura kuti ichakunda musarudzo dzegore rinouya kana dzikaitwa zvakajeka pasina mhirizhonga.

Mapato nemasangano akawanda kubva kunyika dzeSADC, Africa nemhiri kwemakungwa apindawo mukongiresi akapa mashoko ekutsigira Zanu PF.

Kongiresi yeZanu PF inopera mangwana masikati apo pachaziviswa vatungamiriri vatsva vebato iri mumatare eCentral Committee nePolitiburo.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG