Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vokurudzira Kubatana muZanu-PF, Ukuwo Vamwe Vatori veNhau Vachirambidzwa Kupinda kuKongiresi Vachinzi "Vanoreva Nhema"


VaEmmerson Mnangagwa naVaConstantino Chiwenga
VaEmmerson Mnangagwa naVaConstantino Chiwenga

Mutungumiriri webato reZanu PF vari zvakare mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vaudza musangano weCentral Committee yebato ravo kuti hapafanire kuve nemhirizhonga apo nhengo dzebato ravo dzinenge dzonotsvaga rutsigiro musarudzo dzegore rinouya.

VaMnangagwa vaudza nhengo dzebato ravo kuti dzinofanira kubatana dzotsvaga rutsigiro murunyararo vachiti hapana kudzokera kumashure panyaya iyi.

Vatiwo Zanu PF ndiro bato rega rinomiriria zvido zvevanhu muZimbabwe uye hapana angaritadzise kukunda musarudzo.

Mashoko aVaMnangagwa anouuya apo bato ravo riri kupomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga musarudzo dzichangobva mukukuitwa dzemaBy-Election kuInsiza neMatabo.

Vanoongorora nyaya dzesarudzo vachishanda nesangano reElection Resource Centre, VaSolomon Bhobhosibhunu, vati mashoko aVaMnangagwa akanaka chose asi hazvifaniri kuperera mukutaura chete.

Zvichakada kune vamwe vatori venhau kubva kumakambani akaita seNewsday, Newshawks neNewZimbabwe asiri kufara nekuti akanyimwa magwaro ekuti ange achinyora pamusoro pengiresi yeZanu PF.

Mupepeti wenhau weNewsDay, VaWisdom Mudzangairi, vaudza Studio 7 kuti vatori venhau vavo vakanyimwa magwaro ekupinda mukongiresi nekuti bato reZanu PF harisi kufara nemanyorero avari kuita nhau dzebato ravo.

Asi mutauriri weZanu PF, VaChris Mutsvangwa vakaudza vatori venhau mushure memusangano wePolitiburo nezuro kuti vatori venhau vakawanda vakapihwa mvumo kunze kwevavati vanoyora manyepo.

Masangano anomirira vatori nevenhau munyika akaisa seMedia Insitute of South Africa- Zimbabwe neZimbabwe National Editors Forum ashora zvikuru kurambidzwa kwevatori venhau kuita basa ravo achiti achaita zvaanokwanisa kugadzirisa nyaya iyi.

Kongiresi yeZanu PF iri kuenderera mberi mangwana apo pachagadzwa nhengo itsva dzeCentral Committee. VaMnangagwa vachadomawo nhengo dzePolitiburo kubva mudare reCentral Committee nemusi weMugovera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG