Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vorambidzwa Kuona VaSikhala neVamwe kuChikurubi.


VaNelson Chamisa, VaHopewell Chin;ono naVaJob Sikhala
VaNelson Chamisa, VaHopewell Chin;ono naVaJob Sikhala

Mutungamiri webato reCitizens Coalition for Change, VaNelson Chamisa, nhasi varambidzwa kuona nhengo dzebato ravo dziri kujeri reChikurubi dzinosanganisira nhengo mbiri dzeparamende VaJob Sikhala naVaGodfrey Sithole.

Kurambidzwa kwaitwa VaChamisa kuona vanhu ava kunouya mushure mekunge magweta avo anyorera mukuru anoona nezvekuchengetedzwa kwevasungwa vachida mvumo yekuona vasungwa ava.Vakapihwa mvumo yekuita izvi.

VaChamisa vaudza Studio 7 kuti pavasvika pajeri reChikurubi varambidzwa kupinda mushure mekumiswa kwenguva yakareba.

VaZiyambi Ziyambi
VaZiyambi Ziyambi

VaChamisa vatiwo vashamisika vachiudzwa nemukuru wepajeri reChikurubi vanzi vanonzi VaHukurumwe kuti gurukota rinoona nezvemitemo VaZiyambi Ziyambi ndivo vavafonera vachiti VaChamisa havafanire kuona vasungwa ava. VaZiyambi varamba kuti varambidza VaChamisa kuona VaSikhala nevamwe vachiti vange vasina kusungwa.

VaChamisa vatiwo bato ravo harisi kuda zvekudeura ropa asi vakati hurumende haina kugadzikana.

Gweta raVaChamisa VaObey Shava vaudzawo Studio 7 kuti vashamisika nezvaitwa nevekumajeri vachiti vambenge vataurirana nawo vakawirirana mangwanani.

Mutauriri webazi vevemajeri Zimbabwe Prisons and Correctional Services, Muzvare Meya Khanyezi, vati vange vasiri muhosi uye havana ruzivo nezvaitika kuChikurubi.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaRashweat Mukundu, vati zviri kuitwa nehurumende yeZanu PF zvekushungurudza vanoipikisa vakaita saVaSikhala nevamwe ndizvo zviri kuita kuti zvirango zvisabviswe.

VaSikhala naVaSithole nevamwe vavo gumi nevana vave nemwedzi inokwana mina vari muhusungwa vachinyimwa zvakare mukana wekubhadhara mari yechibatiso nematare zvichitevera kusungwa kwavakaitwa nemhirizhonga yakaitika kuNyatsime mushure mekupambwa nekupondwa kwakaitwa nhengo yeCCC, Muzvare Moreblessing Ali, avo vakazowanikwa kuBeatrice mutumbi wavo wave kuwora.

Muzvare Moreblessing Ali
Muzvare Moreblessing Ali

Bato reCCC rinoti nhengo dzaro dziri muhusungwa idzi dziri kushungurudzwa zvine chekuita nezvematongerwo enyika. Asi VaZiyambi pamwechete negurukota rinoona nezvinoitika mukati menyika VaKazembe Kazembe vakataura nguva shoma yadarika kuti munhu wese anomira nemhosva dzake pasingatariswe kuti munhu anotsigira bato ripi rezvematongerwo enyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG