Accessibility links

Breaking News

Potyirwa Kuti Sarudzo dzeGore Rinouya Dzingangoita Mhirizhonga Zvichitevera Mhirizhonga Yakaitika muSarudzo dzeMakanzuru Svondo Rapera


Nhengo yeparamende Amai Jasmine Toffa veCCC vanonzi vakarohwa vakakuwara zvakaipiisisa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF kuMatabeleland South.
Nhengo yeparamende Amai Jasmine Toffa veCCC vanonzi vakarohwa vakakuwara zvakaipiisisa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF kuMatabeleland South.

Apo bato riri kutonga reZanu PF riri kupembera nekukunda kwarakaita musarudzo dzemakanzuru dzakaitwa Mugovera wadarika, vebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change pamwe nevamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti bato iri rakashandisa mhirizhonga nekutyisidzira vanhu sechombo chekuti ivhoterwe.

Vanoti uyu mucherechedzo wezvichaitika musarudzo dzegore rinouya, idzo vanoti dzichakanganiswa nemhirizhonga kana pakasatorwa matanho nekukasika.

Zanu PF yakawana zvigaro zvishanu kubva pazvigaro zvitanhatu zvaikwikwidzwa, zvinoti Insiza Ward 4, Matobo Ward 2, Buhera Ward 24, Takawira Ward 6 kuMidlands neGuruve Ward 4, bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change rakawanawo chigaro chimwe chete cheMutare Ward 18 pazvigaro zvitanhatu zvaikwikwidzwa.

Citizens Coalition for Change inoti nhengo dzayo dzinosanganisira vamiriri veparamende vanoti Amai Jasmine Toffa naVaDaniel Molokele, dzakarwiswa kuInsiza nekuMatobo kuMatabeleland South munguva yekutsvagira nhengo dzaikwikwidza rutsigiro pamberi pesarudzo.

VaTim Muringai vebato reCCC vari mudunhu reOhio muAmerica, vanoti kurwiswa uku kwakasiya Amai Toffa vakuvadzwa zvakaipisisa uye VaMolokele vakatandaniswa nemusango nenhengo dzeZanu PF.

Asi bato reZanu PF rinoti aya manyepo sezvo nhengo dzaro dziri idzo dzakatorwiswa nevatsigiri veCCC.

Nhengo yeZanu PF, VaFrenk Guni, vari muWashington D.C.,vanotiwo chave chigariro kuti vanopikisa ava vanongozhamba munguva yesarudzo kana vakundwa asi kana vakakunda havataure nezvemhirizhonga.

VaGuni vanoti panogona kunge pakaitawo kurwisana pano nepapo, asi hazvifanirwe kubva zvave munongedzo wekuti munyika muchaita mhirizhonga gore rinouya.

Hurukuro naVaTim Muringai naVaFrenk Guni
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG