Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoparura Hurongwa Hwekupa Vana Nhomba yeMhetamakumbo


Polio Vaccination Programme 2
Polio Vaccination Programme 2

Zvichitevera kutanga kupararira kwechirwere chemhetamakumbo kune dzimwe nyika dzekuchamhembe kweAfrica, Zimbabwe nhasi yaparura hurongwa hwekupa vana nhomba yePoriyo kana kuti National Polio Vaccination Campaign.

Chirongwa ichi chiri kutanga zviri pamutemo mangwana chopera musi wa 30 mwedzi uno. Chinangwa chebazi rezvehutano ndechekupa vana zvikamu makumi mapfumbamwe nemashanu kubva muzana kana kuti 95% pavana mamiriyoni maviri nezviuru mazana mashanu nemakumi mashanu nematanhatu nemazana masere kana kuti 2, 556, 800 vari pasi pemakore mashanu.

Vachiparura chirongwa ichi muHarare nhasi, mutevedzeri wegurukota rinoona nezvehutano Dr John Mangwiro vaudza vatori venhau kuti chirongwa ichi chiri kuitwa pachiitwa mushandira pamwe nenyika ddzinoti Zambia, Tanzania, Malawi neMozambique. Chirwere cheporiyo chakatobata vana kuMalawi nekuMozambique.

Vachitaura neStudio 7 vanoona nezvekuburitswa kwemashoko mubazi rezvehutano VaDonald Mujiri vati vane chivimbo chekuti vachapa vana vakwanda nhomba iyi sezvo vari kufamba mudzimba.

VaMujiri vanoti vachapa mushonga kunyange kune vana vakambopihwa sezvo dzokororo iine simba.

Vaimbove gurukota rezvehutano Dr David Parirenyatwa vanoti nyaya yenhomba yekudzivirira mhetamakumbo inofanirwa kushambadzirwa zvakakwana nyika yose kuti pasawanikwe mwana anotadza kupihwa mushonga.

Izvi zvatsigirwa nemumwe chiremba uye vari mumiriri weChinhoyi mudare reparamende Dr Peter Matarutse.

Sezvo chirongwa chekudzivirira mhetamakumbo chiri kuitwa munyika dzose dzekuchamhembe kweAfrica, mukuru anoona nezvehutano mudunhu reMashonaland West Dr George Kambondo vanoti vari kushanda pamwechete nevehutano munyika yeZambia kuti vana vose vanenge vachidarika nepamuganhu wenyika mbiri idzi vadonhedzerwe mushonga.

Mwana achipihwa nhomba yePolio kuMalawi
Mwana achipihwa nhomba yePolio kuMalawi

Zviratidzo zvekutimwana abata chirwere ichi zvinosanganisira kupindwa nechando, kuneta, kurutsa, kuoma kana kurwaziwa mutsipa uye kurwadziwa maoko nemakumbo.

Nyika yakapedzisira kuita chirwere chemhetamakumbo mugore ra1998 uye ikanzi haina chirwere ichi zvachose mugore ra2005 nebazi guru reWorld Health Organisation.

Chirongwa chechipiri chekudzivirira chirwere chemhetamakumbo chichaitwa kubva musiwa 1 kusvika musiwa 4 Zvita.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG