Accessibility links

Breaking News

Varume neVakadzi Vokurudzirwa Kupota Vachivheneka Mazamu Kudzivirira Gomarara


Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa
Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa

Hurumende nhasi yakurudzira vatori venhau kuti vaongororwe gomarara pazammu ichiti izvi zvino batsirawo kuti vanyore nezvenyaya dzemagomarara zvine hudzamu.

Bazi rinoona nezvekubuditswa kwemashoko rabatana nemakambani anoita zvehutano akaita sePremier Service Medical Aid Society PSMAS pamwe ne MedPoint mukudzidzisa pamwe nekuongorora chirwere chegomarara kuvatori venhau ·

Gurukota rinoona nezvekubudiswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vati hurumende inokoshesa zvikuru hutano hwakanaka munyika.

Vachitaurawo mushure mekuongororwa gomarara remazamu, mutevedzeri wavo, VaKindness Paradza vakurudzirawo vanhurume kuti vaongororwe gomarara iri sezvo risingangobate madzimai.

VaKindness Paradza
VaKindness Paradza

Mumwe wevaongororwa ndiBridget Madzimure anoshanda kuZimbabwe Broadcasting Cooperation (ZBC) uyo ati afara zvakanyanya nekuwana mukana wekuongororwa pachena.

Nyanzvi munezvikuongorora zvirwere zvemagomarara VaLyman Khumbula zvakakosha kuti vanhu vaongororwe vachiti vazhinji vari kuzobatwa gomarara radzika midzi.

Gomarara rezamu ndiro rinonzi rinoteverera gomarara remuromo wechibereko mukuraya madzimai. Mwedzi waGumiguru ndiwo unocherechedzwa chirwere chegomarara remazamu gore negore.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG