Accessibility links

Breaking News

America Yoyambira Kuti Vanopfurikidza Mwero Vari Kuda Kuuraya Vanhu Vakawanda muSouth Africa


MuAfrica mune zvikwata zvinopfurikidza mwero zvakawanda zvinosanganisira ISIS, Al Qaida, Boko Haram nezvimwe
MuAfrica mune zvikwata zvinopfurikidza mwero zvakawanda zvinosanganisira ISIS, Al Qaida, Boko Haram nezvimwe

Muzinda weamerica muSouth Africa uri kuyambira kuti une humbowo hwekuti pane vamwe vanopfurikidzwa mwero vari kuronga kurwisa nzvimbo yeSandton, Johannesbug muSouth Africa.

Muzinda uyu wakurudzira zvizvarwa zveAmerica kuti zvisaende pamagungano kubva musi wa29 kusvika 30 mwedzi uno.

Mutungamiri wenyika yeSouth Afria VaCyril Ramaphosa .
Mutungamiri wenyika yeSouth Afria VaCyril Ramaphosa .

Vachitaura nenhepfenyuro yeSABC news, gurukota muhofisi yemutungamiri wenyika yesouth Africa, VaCyrila Ramaphosa, VaMondli Gungubele vati havana humbowo hwavapihwa nezvevanopfurikidza mwero asi vati vanochengetedza nyika vatanga kuferefeta nyaya iyi.

MuAfrica mune zvikwata zvinopfurikidza mwero zvakawanda zvinosanganisira ISIS, Al Qaida, Boko Haram, A Shabaab nezvimwe.

Chikwata chinodyidzana neISIS chiri kuMozambique chakamboyambira kurwisa South Africa makore maviri adarika ikapindira muhondo yekuchirwisa kuCabo Delgado, kuMozambique. Chikwata ichio chinozivikanwa nemazita akawanda kusanganisira Ahlu Sunna Wa-Jamo kana kuti ASWJ. Vamwe vanochiti ISIS Mozambique-ISIS-M. Vari muMozambique vanochiti zvekare Al Shabaab.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG