Accessibility links

Breaking News

SADC Yotsigira Zimbabwe Kuti Zvirango Zvibviswe, Asi America neBritain Dzichiti Kupedzera Hoko paDehwe reTsindi


Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvaungana kumuzinda weAmerica muZimbabwe nemumatunhu ose munyika nekumizinda yenyika kunze zvichiratidza pamwe nekutsutsumwa nezvavanoti zvirango zvehupfumi zvakatemerwa nyika. Asi vamwe vakatemera zvirango izvi vakaita seAmerica neBritain vaburitsa mashoko vachiti hazvina kutemerwa nyika asi vatungamiri vanotonga nedemo.

Mumashoko avo pazuva ranhasi rakanzi neSADC nderekukurudzira kuti zvirango zvakatemerwa Zimbabwe zvibviswe, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vati zvirango zvinofanira kubviswa nekuti hazvisi pamutemo uye zvinokanganisa hupfumi.

Mutungamiri weDRC VaFelix Tshisekedi
Mutungamiri weDRC VaFelix Tshisekedi

Izvi zvatsigirwa nasachigaro weSADC vari mutungamiri wenyika yeDRC VaFelix Tshisekedi avo vakurudzira kuti zvirango zvibviswe vachiti zvinokanganisa kudyidzana kweZimbabwe nedzimwe nyika munyaya dzezvehupfumi. Vati vakatemera zvirango havafanire kuda kuzvishandisa kuti vanhu vapidigure hurumende.

Kucherechedza zuva iri, zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvaswera zvichiratidzira panze pemuzinda weAmerica. Vari kutungamirira chikwata che Broad Alliance Against Sanctions icho chakatanga kuratidzira vari panze pemuzinda weAmerica muHarare muna Kurume 2019 VaCalvern Chitsunge vati zuva ranhasi vana veZimbabwe varatidza kuti vanoda kuti zvirango izvi zvibve.

Nhengo dzeZanu-PF dzakawanda nevari musangano rePOLAD vange vari pakuratidzira uku. Mutungamiriri webato rinopikisa reUnited Democracy Movement,inova nhengo yePOLAD, VaPhillip Mugadza vatiwo zirango zvinofanira kubviswa nekuti zvakanganisa hupfumi.

Asi rimwe gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaMarufu Mandevere vati zviri kuitwa nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe kupedzera museve kumakunguwo hanga dzichauya.

Sachigaro wemubatanidzwa wemasangano anorwira kodzero munyika, weCrisis in Zimbabwe Coalition VaPeter Mutasa vati Zimbabwe ine mhando dzezvirango mbiri , dzinoti zvinotemerwa nedzimwe nyika pamwe nezvavati zvinotemerwa nehurumende kuvana veZimbabwe.

Muzinda weAmerica muHarare mumashoko padandemutande reTwitter waramba mashoko ekuti zvirango ndizvo zvakanganisa hurumende yeZimbabwe. Wati chakanganisa hupfumi huori uye wat America yakazvipira kudyidzana nevemabhizimisi munyika vasingaite zvehuori. Muzinda uyu waburitsa nyaya zhinji dzehuori dzawati unoratidza chapa kuti hupfumi hweZimbabwe hugwadame.

Muzinda weBritain muZimbabwe waramba kuti wakatemera nyika yeZimbabwe zvirango uchiti zvakatemerwa vanhu vashanu vanotevera chete, VaOwen Ncube vaive gurukota revasori, VaGodwin Matanga mukuru wemapurisa, VaAnslem Sanyatwe mumiri weZimbabwe kuTanzania vaive mukuru wemauto ePresidential Guard, VaIsaac Moyo mukuru wesangano revasori uye muzvinabhizimisi anodyidzana neZanu-PF VaKudakwashe Tagwirei.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden

America yakatemera zvirango vamwe vakuru muhurumende yeZimbabwe muna 2003 ichivapomera mhosva yekutyora kodzero dzevanhu. European Union yakatemerawo vamwe vakuru vehurumende ava zvirango muna 2002.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG