Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau Voita Gakava paNyaya yeSangano re"Journalists For Economic Development "


VaNick Mangwana

Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vanoti pane vatori venhau vakaenda kubazi ravo vachida kuti vavambe sangano rinonzi Journalists For Economic Development semamwe masangano akadai ari kuparurwa nebato reZANU-PF. Asi vati hapana chinobatika chati chaitwa.

VaMangwana vaudza Studio 7 kuti , "Pane vatori venhau vakauya vachiti vanoda kutanga chikwata cheJournalists For Economic Development asi nekuti tine zvirongwa zvakawanda zvatanga tichiita vhiki rino handina kukwanisa kunzwa hwaro hwavo." Vaenderera mberi vachiti, " Isu tinowona zvakanaka kuti vatori venhau vapindewo pachirongwa chekuzvi randudza panyaya yezveupfumi sezviri kuitwa nevamwe vashandi."

Njabulo Ncube - mutoti wenhau uye achishanda nesangano re Zimbabwe National Editors Forum
Njabulo Ncube - mutoti wenhau uye achishanda nesangano re Zimbabwe National Editors Forum

Asi rimwe remasangano anomirira vatori venhau reZimbabwe National Editors forum rinoti riri kushora zvikuru gungano rakatangwa padandemutande reWhatsaApp ririkunzi Journalists For Economic Develpment iri sezvo vamwe vatori venhau vakapinzwa mugungano iri vasina kupa mvumo kune vakaritanga.

Ncube anoti akangoona zita rake nenhamba dzake dzakandwa mugungano iri, iro rine vatori venhau vanoshandira hurumende nemamwe masangano akazvimirira. Vaudza Studio 7 kuti, "Vamwe vatori venhu vanoshandira makambani ehurumende vave kutya kuvhunza kana kukumbira kuburitswa mugungano iri sezvo vari kufunga kuti vangango rasikirwa nemabasa." Vaenderera mberi vachiti, "Ini nevamwe vaka kandwa mugangano iri tiri kutsvaga vakaritanga kuti tinzwe kuti vaka pihwa vhumo yekuita izvi nani. Tichange tichitaura zvakare negurukota rekufambiswa kwemashoko pemusoro pechiitiko ichi sezvo tisiri kuwirirana ."

Vachitaurawo nezvenyaya iyi, mukuru weStudio 7 (Voice of America) vatiwo vagtori venhau venhepfenyuro yavo haine nechekuita nesangano reJournalists for Economic Development sezvo ichitema isina divi rayakarerekera. Vatiwo vamwe vatori venhau veStudio 7 vakangoona mazita avpo akandwa muchikwata chepaWhatsApp chiri kuzviti Journalists for Economic Development.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG