Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nyanzvi dzeHupfumi Dzopesana Maonero neRBZ Panyaya Yekuti Inflation Ichadzika Zvakanyanya Panozosvika Pakati peGore Rinouya


Gavhuna veRBZ, Doctor John Mangudya.
Gavhuna veRBZ, Doctor John Mangudya.

Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti mashoko akataurwa svondo rapera nagavhuna vebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, ekuti vanotarisira kuti inflation yepagore ichadzika zvakanyanya panosvika pakati pegore rinouya hazvikwanisiki nekuda kwemamiriro ehupfumi hwenyika pamwe nemashandisirwo emari nehurumende.

Doctor Mangudya vakaudza nhengo dzeparamende pamusangano wehurongwa hwemashandisirwo emari yehurumende hwegore rinouya, kana kuti 2023 Pre Budget Seminar, kuti vanotarisira kuti inflation yepagore ichadzika kusvika kuzvikamu makumi mashanu kubva muzana, kana kuti 50 percent panosvika mwedzi waChikumi wegore rinouya nekuda kwezvirongwa zvehurumende zvekudzikamisa hupfumi hwenyika, zvnosanganisira kutengeswe kwemapeni egoridhe.

Asi dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti tarisiro iyi icharamba chiri chiroto sezvo hurumende yakatarisana nezvirongwa zvakawanda zvinoda mari, zvinosanganisira mabhonasi evashandi vayo pamwe nezvirimwa zvemutungamiri wenyika nepfumvudza zvinobatsira varimi, izvo dzinoti zvinogona kutozoimanikidza kudhinda imwe mari zvichizokwidza zvakare inflation.

Vachinyora padandemutande rawo reTwitter, imwe nyanzvi mune zvehupfumi, Muzvinafundo Gift Mugano, vati zviri kutarisirwa neRBZ hazvikwanisiki, vachiti chingatoitika kukwira kwe inflation yepagore yakananga kuzvikamu mazana mana kubva muzana, kana kuti 400 percent.

Muzvinafundo Mugano vanoti izvi zvinenge zvichikonzerwa nekukwira kuchaita bhajeti renyika regore rinouya, kusanyana zvakanaka kwemvura, kushandiswa kwemari nehurumende muzvirongwa zvayo kusanganisira munguva yesarudzo, pamwe nehondo yekuUkraine.

Izvi zvinotsinhirwa neimwe nyanzvi mune zvehupfumi nekudyidzana kwenyika dzapasi rose, vari zvakare mudzidzisi mukuru wezvemabhizimusi paDevry University muAmerica, Muzvinafundo Elliot Masocha.

Doctor Maqsocha vanotiwo havawirirane nemaonero aDoctor Mangudya ekuti kukwira kwemitengo yezvinhu kunogona kudzika panosvika pakati pegopre rinouya vachiti pane zvikonzero zvakawanda kwazvo zvinokwidza inflation pasi rose.

Imwe zvakare nyanzvi mune zvehupfumi, Muzvare Chenaimwoyo Mutambasere, vanopawo maonero avo vachiti zvinonetsa kutambira zviri kutaurwa nagavhuna veRBZ nekuti hapana humbowo hunoratidza kuti mapeni egoridhe ari kunzi abatsira kudzikamisa hupfumi hwenyika abatsira zvakadii kunze kwemashoko anongotaurwa naVaMangudya chete.

Muzvare Mutambasere vanowedzera vachiti kunyange hazvo pari kunzi patengeswa mapeni egoridhe anosvika zviuru gumi nemazana mana, kana kuti 10 400, mapeni aya ari kutengeswa nemutengo uri pasi zvekuti mari iri kuunganidzwa hainganzi ndiyo ingadzikamisa hupfumi zvekumisa inflation.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoona sekunge zvirongwa zvehurumende zvekudzikamisa hupfumi zviri kushanda zvaita kuti inflation isungwe mbira dzakondo.

Asi Doctor Chitambara vanoti pachine matanho anofanirwa kutorwa kugadzirisa dambudziko rekukwira kwe inflation zvachose akaita sekurwisana nehuwori nezvimwe zvakadaro.

Bhanga repasi rose reWorld Bank mazuva mashoma adarika rakatiwo kukwira kwemutengo wechikafu kana kuti food inflation muZimbabwe kuri pazvikamu mazana matatu nemakumi mashanu nezvitatu kubva muzana kana kuti 353 percent, zvichireva kuti vakawanda vari kutadza kutenga chikafu chinovakwanira.

Ukuwo, nyanzvi mune zvehupfumi vachidzidzisa zvehupfumi paJohns Hopkins University muAmerica, Muzvinafundo Steve Hanke, vakanyorawo paTwitter vachiti inflation yeZimbabwe ndiyo iri pamusoro pasi rose vachiisa pazvikamu mazana matatu nemakumi mapfumbamwe nezvitatu kubva muzana, kana kuti 393 percent.

Asi Zimbabwe National Statistic Agency, ZIMSTAT, inoti inflation yenyika iri pazvikamu mazana maviri nemakumi masere kubva muzana, kana kuti 280 percent.

Kunyange hazvo paine maonero evamwe ekuti inflation ichatokwira, Doctor Mangudya vakaratidza chivimbo nezvirongwa zvavo vachiti vanotarisira kuti inflation yepamwedzi ichatodzika kusvika kuzvikamu zviri pakati pezvitatu kubva muzana kana kuti 3 percent, nezvikamu zvishanu kubva muzana, kana kuti 5 percent.

Vakatiwo nekushanda zvakanaka kwemapeni egoridhe mukudzikamisa hupfumi hwenyika, vane hurongwa hwekuti vaparure mamwe mapeni ane huremu hwechidimbu cheaunzi panosvika pakati paMbudzi gore rino.

ECONOMY CR-SHO-JONGA-25 OCT 2022 (online-audio-converter.com).mp3
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG