Accessibility links

Breaking News

ZESN Inoti Vanoita Zvemhirizhonga Panguva Dzesarudzo Vanofanira Kusungwa


Ellen Dingani
Ellen Dingani

Sangano rinoongorora zvesarudzo rakazvimirira munyika, reZimbabwe Election Support Network kana kuti ZESN, rinoti vanhu vose vanoita zvemhirizhonga mune zvematongerwo enyika vanofanira kusungwa kuti veruzhinji vaone nekuziva kuti kuvhota hakuna njodzi.

Izvi zvinotevera sarudzo dzemakanzura dzakaitwa kupera kwesvondo mushure memhirizhonga mune dzimwe nzvimbo, zvikuru kuMatobo nekuInsiza kuMatabeleland South.

Vachitaura mushure mekubudiswa kwegwaro ravo rinotaura pamusoro pemafambisirwo akaitwa sarudzo idzi, ZESN inoti haisi kufara nemhirizhonga yakaitika yakaona vamwe vatsigiri vebato rinopikisa reCitizens Coalition for Chnage kana kuti CCC kusanganisira nhengo yedare reparamende Amai Jasmine Toffa vave muchipatara vatyorwa maoko nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF. Zanu-PF inoti handiyo yakatanga mhirizhonga ichipomera veCCC.

Mushure mekunge Zimbabwe Electoral Commission (ZEC) yazivisa kuti bato reZanu-PF ndiro rakakunda musarudzo shanu pasarudzo nhanhatu dzemakanzuru dzakaitwa munyika, vanoona nezvekufambiswa kwemabasa mu ZESN, Amai Ellen Dingani, vakaudza Studio 7 kuti sangano ravo rinoda kuti vakakonzera mhirizhonga vasungwe nekuendeswa kumatare kuitira kuti zvisaitwa zvakare, kunyaya musarudzo huru dzegore rinouya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutauririri weZanu-PF VaChris Mutsvangwa vakaudza Studio 7 kuti veCCC vakakundwa sarudzo vanoti paita mhirizhonga. Asi vakafanobata chigaro chemutauriri webato reCitizens Coalition for Change, Muzvare Fadzayi Mahere, vashora mafambisirwo akaitwa sarudzo idzi nenyaya yemhirizhonga

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutauriri weZimbabwe Electoral Commission, VaJasper Mangwana vakaudza Studio 7 kuti mapurisa ari kuferefeta nyaya iyi. Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vakaburitsa mashoko kuvatori venhau vachiti vari kuferefeta nyaya iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG