Accessibility links

Breaking News

ZESA Inoti Vanhu Vanokwanisa Kutanga Kubhadhara neMadhora ekuAmerica


ZESA yazivisa mubepanhau reSunday Mail kuti ichange yave kuti vanhu vabhadhare nemadhora ekuAmerica pamwe nemunyika pamitero yavo. Izvi zvinopesana nezvainge zvichikurudzirwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa negurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube zvekuti mitero ibadharwe nemari yemunyika chete.

ZESA iri kutadza kubhadhara zvikwereti kuMozambique, South Africa neZambia zviri kupa kuti idzimire vanhu magetsi kwenguva yakareba. Inotiwo mari iri kubhadharwa nevanhu ishoma.

Makambani kutanga mwedzi uno akatonzi abhadhare mitero yemagetsi nemadhora ekuAmerica kuyedza kugadzirisa dambudziko rekudzimwa kwemagetsi iri.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachitungamira sangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe Doctor Godfrey Kanyenze vaudza Studio 7 kuti, kuti makambani amanikidzwe kubhadharisa nemadhora emunyika chete hazvina zvazvinobatsira nekuti imari inoramba ichishaya simba.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG