Accessibility links

Breaking News

CCC Inoti Zanu-PF Yakakunda Musarudzo neNyaya yeMangoromera, Zanu-PF Ichiti Manyepo


Sachigaro weZEC, Amai Priscilla Chigumba
Sachigaro weZEC, Amai Priscilla Chigumba

Zimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC yazivisa kuti bato reZanu-PF ndiro rakakunda musarudzo shanu pasarudzo nhanhatu dzemakanzuru dzakaitwa munyika kunyanya kumaruwa.

Mutauriri webato reZanu-PF VaChris Mutsvangwa vaudza Studio 7 kuti vari kufara nekukunda kwavakaita vachiramba kuti vakakunda nekuda kwemhirizhonga yakaitika kuInsiza nekuMatobo kuMatabelalnd South vhiki rapera zvakasiya vatsigiri vebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change kusanganisira mumwe mumiriri wedare reparamende muBulawayo Amai Jasmine Toffa vatyorwa maoko.

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vanoti var kuferefeta nyaya iyi.

Mutevedzeri wemutauriri webato reCCC VaOstallos Siziba vapomera Zanu-PF mhosva yekushandisa mhirizhonga kuti ikunde musarudzo vachiti havo vari kufara kuti vari kuwana mavhoti akawanda sebato idzva. Sarudzo dzemaby elections dzakaitwa kuBuhera RuRDC ward 2; Takawira (RDC) ward 6 nemuguta reMutare ward 18.

Izvi zvakatevera kufa kwemakanzuru aimirira nzvimbo idzi, vashanu vachibva kuZanu-PF.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG