Accessibility links

Breaking News

FC Platinum Yosimudza Mukombe wePSL Mushure Mekukundwa kweDynamos


Murairidzi weFC Platnum Norman Mapeza
Murairidzi weFC Platnum Norman Mapeza

FC Platinum nhasi yatora mukombe we Castle Lager Premier Soccer League wemwaka uno zvichitevera mitambo yatambwa zuva ranhasi.

FC Platinum yatora mukombe weCastle Lager Premier Soccer League wemwaka uno isina kupinda munhandare zvichitevera kurohwa kwaita Dynamos 1-0 neBulawayo City. Kupera kwemitambo yanhasi zviri kuratidza kuti Dynamos haichakwanisa kubata kana kudarika FC Platinum pamitambo mitatu yasara kuti makundano aya apere.

FC Platinum ine mapoinzi makumi matanhatu nemanomwe kuine mitambo mitatu chete yasara. FC Platinum iri kusangana neCaps United mangwana asi mutambo uyu hausisina kukosha.

Uyu wave mukombe sechina weligi weFC Platinum wakateverana wasimudzwa neFC Platinum. Mutambi wavo Walter Musona ari kutarisirwa nevakawanda kuti achasimudza mukombe wemutambi akatamba zvinonwisa mvura gore rino kana kuti soccer star of the year.

Dynamos iyo iri pachinzvimbo chechipi ine mapoinzi makumi mashanu nematanhatu. Bulawayo City iyo iri kurwira hupenyu hwayo mugungano iri yave nemapoinzi makumi matatu asi ichiri panguva yakaoma mushure mekunge ZPC Kariba yarova Hwahwa 2-1 Bulawayo City neZPC Kariba zviri kusangana kuNyamhunga Stadium svondo rinotevera. Murairidzi weBulawayo Chiefs Farai Tawachera anoti vanorarama chete mushure mekurova kwavaita Dynamos nhasi.

Dynamos neChicken Inn iyo yakaita mangange 0-0 neHerentals nezuro ndidzo dzave kurwira chinhanho chechipiri mumakundano ezvikwata gumi nezvisere. Mimwe mitambo yatambwa nhasi yapera seizvi..,

Yadah 1 Cranbourne Bullets 1

Ngezi. 0 Black Rhinos. 0

Mangwana

Caps United. vs FC Platinum

Highlanders. vs Bulawayo Chiefs

Manica Diamonds v Harare City

Triangle v Tenax

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG