Accessibility links

Breaking News

CCC Inoti Zanu-PF Yange Ichityisidzira Vavhoti neKunyora Mazita Avo Kwayange Ichiita muSarudzo dzemaBy Elections


VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa
VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Bato rinopokisa reCitizens Coalition for Change nevamwe vanoongorora sarudzo vanoti vari kushushikana nezvange zvichiitwa nevatsigiri veZanu-PF vanonzi vange vachinyora mazita evanhu panze pange pachiitirwa sarudzo dzemaby- election nhasi.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato reCCC kuMatabeleland South VaNtando Ndlela vaudza Studio 7 vati zvekunyora mazita zvange zvichiitwa kuda kutyisidzira vanhu.

Asi vanoona nezvekuburitswa kwemashoko musangano reZimbabwe Electoral Commission VaJaspar Mangwana vaudza Studio 7 kuti hapana zvichemo zvavati vatambira.

Vanoona nezvemabasa musangano rinoona nezvesarudzo rakazvimirira roga reElectoral Resource Centre neverimwe sangano rinoona nezvesarudzo reZimbabwe Election Support Network vati havo vari kushushikana nekunyorwa kwemazita evanhu kwange kuchiitika.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri weZanu-PF VaChris Mutsvangwa kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Sarudzo dzemaby elections dzange dzichiitwa kuBuhera Rural District Council (RDC) ward 24; Guruve RDC ward 4; Insiza RDC ward 4; Matobo RDC ward 2; Takawira (RDC) ward 6 neMutare Municipality ward 18.

Izvi zvakatevera kufa kwemakanzuru anoti, VaSaimon Chingwidze (ZANU-PF), Ward 24, Buhera RDC; VaTom Moyo (ZANU-PF) Ward 2 Matobo RDC, VaKudakwashe Chisango (MDC-A) Ward 18 Mutare Municipality; VaLencio Kafungura (ZANU-PF) Ward 4 Guruve RDC, VaJohanes Kohli (ZANU-PF) VaTakawira Ward 6 RDC naVaLawrence Maphosa (ZANU-PF, Insiza Ward 4 RDC. KuMatobo nekuInsiza kwakamboita mhirizhonga svondo rapera pamberi pesarudzo idzi zvakasiya vamwe vatsigiri vebato reCCC vakuvara kusanganisira nhengo yedare reparamende kubva kuBulawayo Amai Jasmine Toffa.

VaMangwana vati zvinenge zvabuda musarudzo zvichazivisa panongopera kuverengwa mavhoti.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG