Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Cricket Yosimudza Mureza Nekudambura Scotland kuT20 World Cup


Zimbabwe Cricket
Zimbabwe nhasi yakunda Scotland ne5 wickets ichibva yapinda mumakwikwi eT20 World Cup kuAustralia.
Zimbabwe yabatana nezvikwata gumi nezviviri zvasara kana kuti Super 12 zvichange zvichitatsura kuti zvikwanise kusvika kumagumo emakwikwi aya kuti zvisimudze mukombe.
Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano reZimbabwe Cricket VaDarlington Majonga vaudza Studio 7 kuti vari kufara nematambiro aita chikwata chavo uye vari kutarisira kubudirira muchikamu chavapinda nhasi sezvo vatambi vachikwata ichi vakazvipira kutamba nemoyo wese.
Vanoti vatsigiri vemutambo wecricket muAustralia mavari nepasi rose vafadzwa nekutamba kwaita chikwata cheZimbabwe.

"Tiri kutarisira kutamba zvakanaka mumitambo yedu inotevera sezvo kukunda kwaita chikwata nhasi kwatipa mashawi ekuti tienderere mberi nemakwikwi aya"VaMajonga vaudza Studio7.

Zimbabwe iri muGroup B maichasangana ne India, Pakistan, South Africa, Bangladesh neNetherlands.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG