Komisheni inoona nezvekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume yeGender Commission inoti vanhu vose vane humbowo pamhosva yekubata chibharo nekumbunyikidza madzimai iri kupomerwa Muparidzi Walter Magaya vaende kwairi nehumbowo hwacho. Kuferefetwa kwenyaya iyi kwakatanga muna Nyamavhuvhu 2019 asi kwakambomira VaMagaya vaenda kumatare. Asi dare rakazoti nyaya iyi ngaiendereremberi ichizeyiwa.
Vanorwira kodzero dzevanhu vari kumusangano weAfrican Commission on Human and People’s Rights kuGambia vanoti vachasimudza nyaya dzavanoti dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika kusanganisira kussungwa kweumiriri weZengeza West vaJob Sikhala nevamwe.
Mamwe makurukota ehurumende okundikana kuuya kumusangano wekuzeya bhajeti regore rinouya zvoshorwa nenhengo dzedare reparamende dzakawanda.
Vanoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka veZimbabwe National Parks nevanoona nezvekuchengetedzwa kwenharaunda veEnvironment Management Authority vari kuchema chema nemakomba ari kusara asina kufushirwa kana vanhu vapedza kuchera Matombo kuNyamakate neKariba.
Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8 pm nhasi, tiri kutarisa nyaya yemhirizhonga yakaitika kuMatobo neInsiza kuMatabeleland pamberi pesarudzo dzemaby elections mangwana kutsvaga makanzura matsva.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Facebook Forum