Accessibility links

Breaking News

America Yopa Zimbabwe Mari yeKutengera Vane Nzara Zvekudya Pasi peHurongwa hweWFP


Muzinda weAmerica muZimbabwe kuburikidza neUnited State Agency for International Development (USAID) nhasi watsigira sangano reWorld Food Program (WFP) nemari inosvika mamiriyoni makumi matatu nematanhatu nemazana manomwe ezviuru zvemadhora ekuAmerica kana kuti US$36.7m, yekubatsira pachirongwa cheWFP chekupa vanhu vane nzara chikafu munyika.

Vati mari yavapa nhasi ichabatsira vanhu zviuru mazana manomwe (700 000) pamamiriyoni matatu nezviuru mazana masere, 3.8 millon vanoda rubatsiro rwechikafu munyika. Vamwe vacho mamiriyoni matatu nezana rezviuru kana kuti 3, 1 million vachabatsirwa nehurumende.

Vatiwo kunze kwekubatsira vanhu nechikafu panguva yenzara, WFP neUSAID vanobatsirawo mabasa ekurima akaita sekuvaka madhamu kuti vanhu vaiite madiridziro pamwe nekuona kuti varime zvirimwa zvinoenderana nekushanduka kuri kuita mamiriro ekunze kuti vawane chikafu chakakwana.

Hurongwa hwekubatsira vanhu chikafu vakamirira kurima nekukohwa kana kuti Lean Season Funding inopihwa kubva munaGumiguru kusvika muna Kurume mwaka unotevera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG