Accessibility links

Breaking News

VaSikhala neMudzimai Wavo Vomiswa paMberi peDare


Amai Ellen Sikhala vakapfeka hembe nemha

Majastiriti VaTaurai Manuwere nezuro vakaramba kupa mumiriri weZengesa West mudare reparamende VaJob Sikhala mukana wdekubvisa mari yechinatiso kuti vatongwe vachibva kumba .

Aka ndekechitanhatu VaSikhala vachitadza kuwana mukana uyu. Vari kujeri reChikurubi uko vadarika mwedzi mina vari muhusungwa.

VaManuwere vakati zvekuti vanhu vakanyora tsamba yenyunyuto kuti VaSikhala vabuditswe mujeri nekuti kwapera nguva yakareba hachisi chikonzero chekuti vaburitswe mujeri. Vakatiwo VaSikhala vave kutanga kuda kutongwa uye patoziviswa zuva racho.

Asi gweta raVaSikhala, VaJeremiah Bamu vakati zviri pachena kuti nyaya yevachuchusi haina kusimba uye VaSikhala handivo vakaisa padandemutande vhidhiyo ravanonzi vaipesvedzera mhirizhonga sezvo vainge vatosungwa.

Zvichakadaro, mudzimai waVaSikhala, Amai Ellen Sikhala vainge vari mudare rimwe chetero nezuro vachipomerwa mhosva yekutyaira vari kudivi risiri iro. Asi vakaudza dare kuti vakasungwa nekuti vakaramba kubhadhare mari yechikomuhomwe.

Amai Sikhala vakanzi vadzoke kudare musi wa27 Gumiguru apo nyaya yavo ichaenderera meri ichitongwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG