Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gumiguru 18, 2022


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Dare repamusoro reHigh Court, rakapa mutongo wekuti hurumende mukati memwedzi mitatu inotevera itevedzere mutemo unosungira vari muhurumende kuti vazivise veruzhinji nezvehupfumi hwavainahwo.

Sangano reZimbabwe Election Support Network kana kuti ZESN riri kukurudzira vatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika nevatsigiri vavo kuti vasaite mhirizhonga pamberi pesarudzo dzegore rinouya.

Munyori wemabhuku ane mukurumbira munyika Tsitsi Dangarembwa nemumwe anorwira kodzero dzevanhu Julie Barnes vakwira kudare repamusoro reHigh Court vachipikisa mutongo wekuti vakapesvedzera mhirizhonga.

Munhau dzemitambo, tiri kutarisa mitambo yeWorld Cup iri kuitirwa kuQatar tichizeya kuti France, ine mukombe uyu ingakwanise here kudzokorora kuusimudza zvakare zvakaitwa munhoroondo neBrazil ne Italy chete.

Muchirongwa cheLiveTalk The Connection na 8 pm nhasi, tiri kuzeya nyaya yekuratidzira kuri kuita vadzidzi muzvikoro zvepamusoro soro nenyaya yekukwidzwa kwemari dzechikoro. Asi hurumende ichiti hapana chinotadzisa vadzidzi ava kubhadhara mari idzi sezvo vachikwanisawo kupihwa mari dzezvikwereti.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG