Accessibility links

Breaking News

CCC Inoti Yasuma SADC Kuti muNyika Maberekera Ingwe paMberi peSarudzo


Muzvare Fadzayi Mahere

Bato guru rinopikisa, reCitizens Coalition for Change (CCC), riri kushushikana nemhirizhonga yezvematongerwo iri kuitika munyika uye rakurudzira mapurisa kuti aongorore asina divi raakarerekera kurwiswa kwakaitwa nhengo dzebato ravo nedzinofungidzirwa kuti ndedzeZanu-PF kuMatobo, Matabeleland South nezuro reZanu PF.

Mutauriri weCCC, Muzvare Fadzayi Mahere vaudza vatori venhau muHarare nhasi kuti nyika haigoni kuita sarudzo dzakachena kana pakaramba paine mhirizhonga munyika vachiti bato ravo rakatozivisa masangano akaita seSADC neAfrican Union nemamirire akaita zvinhu munyika.

Vatiwo vakamhan’ara nyaya yekurohwa hwenhengo dzavo kuMatobo nezuro kumapurisa uyewo vakavapa mazita enhengo dzeZanu PF dziri kupomerwa mhosva yekuita mhirizhonga

Vati dzimwe nhengo dzavo dzakarohwa zvekuti dzakatoendeswa kuchipatara. Muzvare Mahere vati vanoziva kuti vanhu vakaita izvi inhengo dzeZanu PF nekuti vaive nemotokari dzakanyorwa kuti Zanu PF uyewo vamwe vacho vakaita saVaMoses Langa naVaAdmire Masikati inhengo dzeZanu PF dzinozivikanwa. Hatina kukwanisa kubata vaviri ava kuti tinzwe divi ravo.

Nhengo dzeCCC dzinosangano sanganisira vari kumurira bato iri muby-lections yeWard 2 kuMatobo Sindiso Ngwenya, nevamwe vaivabatsira kutsvaga rutsigiro vanosanganisira nhengo dzeparamende dzinoti VaKucaca Phulu vanomirira Nkulumane, VaDaniele Molokele vanomiriria Hwange Central naVaIlos Nyoni vanomirira Bulawayo East, vakarohwa nenhengo dzeZanu PF uye vamwe vavo vakaendeswa kuchipatara.

CCC inotiwo vanhu veZanu PF vakaba hupfu, nyama nemari pamwe nekucheka mataira emabhasikoro ashandiswa nenhengo dzawo kutsva rutsigirro.

VaPhulu vaudza Studio 7 kuti vakaburitswa muchipatara sezvo vasina kukuvara zvakanyanya,

Asi mushandi mukuru muchikamu chekuburitswa kwemashoko mubato reZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi varamba kuti nhengo dzebato ravo ndidzo dzakatanga mhirizhinga iyi.

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vati mapato ose avasuma nezvekurwiswa kwavakaitwa.

Vatiwo izvi ndzvimwe zvakapa kuti bato ravo riri kuda kuti United Nations iongorore sarudzo dzemunyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG