Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Vekunze Havafanire Kutaura nezveGukurahundi, Asi Vamwe Vachiti Naivo Vane Maoko Akasviba


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vayambira vanhu zvikuru vemapato anopikisa kuti vasashandise nyaya yeGukurahundi kupatsanura vanhu munyika.

VaMnangagwa vange vachitaura kuBulawayo kuState House pakuparurwa hurongwa hwekuti madzisshe achitanga kunzwa pfungwa dzevanhu kuti pagadziriswe nyaya dzeGukurahundi.

Asi vamwe vanorwira kodzero dzevanhu vanoti VaMnangagwa havafanire kutungamira hurongwa uku sezvo vaine maoko akasviba. VaMnangagwa munguva yeGukurahundi vaive gurukota rezvevasori. Mutungamiri wenyika ati vanhu havafanire kushandiswa nemapato anoda kuita zvematongerwo enyika nenyaya iyi.

Vati vekunze havafanire kupindira munyaya iyi vachiti inogadziriswa nevana veZimbabwe. Mutungamiri wemadzishe VaFortune Charumbira ndivo vapa VaMnangagwa gwaro rine zvinenge zvichitarisirwa kuti madzishe aita pakunzwa pfungwa dzevanhu.

Munguva yeGukuraundi, vanhu vanofungidzirwa kuti vanodarika zviuru makumi maviri vakaurayiwa nemauto eFifth brigade ainge adzidziswa zvehondo neNorth Korea kumatunhu eMatabeleland neMidlands kubva muna 1982 kusvika 1987 pakazonyoreranwa chibvumirana chekubatana kana kuti Unity Accord pakati peZANU neZAPU.

Vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakati iyi yaive nguva yekupenga asi vakaramba kukumbira ruregerero.

Hurumende yaVaMnangagwa inoti iyi yaive hondo uye yave nemakore ichivimbisa kugadzirisa nyaya iyi.

Kumusangano weUnited Nations kuGeneva, Switzerland wezvekurwisa nyaya dzerusarura ganda kana kuti United Nations Committee on the Elimination of Racial Discrimination muna Nyamavhuvhu, Zimbabwe yakakurudzirwa kuti igadzirise nyaya yeGukurahundi kunyangwe gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vakamboda kuti nyaya iyi yainge yasakurwa nekuzunzwa.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaKennedy Masiye vaudza Studio 7 kuti VaMnangagwa havafanire kutungamira hurongwa uhu sezvo vaive muhurumende panguva yakapondwa vanhu iyi.

Asi VaZiyambi vakamboudza Studio 7 kuti VaMnangagwea semutungamiri wenyika havangasiiwe pazvirongwa zvekugadzirisa nyaya yeGukurahundi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG