Accessibility links

Breaking News

VaMwonzora Vanoti Vachataura naVaMnangagwa neNyaya yaVaSikhala, CCC Ichiti Itsitsi Dzeyi


VaJob Sikhala
VaJob Sikhala

Mutauriri webato rinopikisa reMDC-T VaWitness Dube vanoti mutungamiiri webato ravo, VaDouglas Mwonzora vachasvitsa nyaya yekusungwa nekugariswa mujeri kwemumiriri weZengeza West mudare reparamende VaJob Sikhala nemumiriri weChitungwiza North VaGodfrey Sithole kumutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangawa kuti vasungunurwe.

Vaviri ava, nevamwe gumi nevashanu vari mujeri kuChikurubi vachipomerwa mhosva yekupesvedzera mhirizhonga kuNyatsime mushure mekupondwa kwenhengo yebato ravo Muzvare Moreblessing Ali.

Izvi zviri kuuya paine kukandirana makobvu nematete pakati peMDC-T neTripple C pakuti VaMwonzra vakaona here VaSikhala nezuro sezvavari kutaura.

Gweta raVaSikhala VaFreddy Masarirevhu vanoti VaSikhala vakapika kuti havaida kuona VaMwonzora. Asi VaDube vanoti handi chokwadi vachiti vaviri ava vaonana pasina veruzhinji.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutevedzeri wemutauriri webato reCCC VaOstallos Siziba vaudza Studio 7 kuti VaMwonzora munhu asin ganda kumeso ari kufunga kutsvaga rutsigiro achishandisa matambudziko akatarisana naVaSikhala.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG