Bato reCitizens Coalition for change riri kupomera Zanu-PF mhosva yekuita mhirizhonga kuMatobo kuMatabeleland South nhasi.
Zvinonzi vanhu vakawanda kusanganisira nhengo yeparamende inomiririra Nkulumane VaUcaca Phulu veCCC vakuvara mumhirizhonga iyi.
Vatsigiri veCCC vange vachitsvaga rutsigiro muWard 2 muchaitwa sarudzo dzemaby elections. Mamwe madzimai anonzi akumurwa hembe motokari dzikatemwa nematombo. Vamwe vanhu vanonzi havasi kuzivikanwa kuti vari kupi.
Hatina kukwanisa kunzwa divi reZanu-PF sezvo mutauriri webato iri VaChris Mutsvangwa vaudza Studio 7 kuti vange vachangopinda munyika kubva kuMozambique vakati tibate mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaTafadzwa Mugwadi avo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.
VaMugwadi vaudza Studio 7 kuti CCC ndiyo yaendesa vanhu vasiri vemunzvimbo iyi kunoita mhirizhonga kuMatobo.
Asi mutevedzeri wemutauriri weCCC VaOstallos Siziba varamba mashoko aya vachiti Zanu-PF ndiyo yatounza vanhu kubva kune mamwe matunhu kunoita mhirizhonga.
Sarudzo idzi dziriko musi wa 22 Gumiguru. Vari kukwikwidzana ndiVaLiberty Nyirongo veZAPU, VaFrederick Siwela of Zanu-PF VaSindiso Ngwenya veCCC.
Facebook Forum