Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yopomerwa Mhosva yeKurova Vatsigiri veCCC kuMatobo


Bato reCitizens Coalition for change riri kupomera Zanu-PF mhosva yekuita mhirizhonga kuMatobo kuMatabeleland South nhasi.

Zvinonzi vanhu vakawanda kusanganisira nhengo yeparamende inomiririra Nkulumane VaUcaca Phulu veCCC vakuvara mumhirizhonga iyi.

Vatsigiri veCCC vange vachitsvaga rutsigiro muWard 2 muchaitwa sarudzo dzemaby elections. Mamwe madzimai anonzi akumurwa hembe motokari dzikatemwa nematombo. Vamwe vanhu vanonzi havasi kuzivikanwa kuti vari kupi.

Hatina kukwanisa kunzwa divi reZanu-PF sezvo mutauriri webato iri VaChris Mutsvangwa vaudza Studio 7 kuti vange vachangopinda munyika kubva kuMozambique vakati tibate mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaTafadzwa Mugwadi avo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

VaMugwadi vaudza Studio 7 kuti CCC ndiyo yaendesa vanhu vasiri vemunzvimbo iyi kunoita mhirizhonga kuMatobo.

Asi mutevedzeri wemutauriri weCCC VaOstallos Siziba varamba mashoko aya vachiti Zanu-PF ndiyo yatounza vanhu kubva kune mamwe matunhu kunoita mhirizhonga.

Sarudzo idzi dziriko musi wa 22 Gumiguru. Vari kukwikwidzana ndiVaLiberty Nyirongo veZAPU, VaFrederick Siwela of Zanu-PF VaSindiso Ngwenya veCCC.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG