Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weMDC VaMwonzora, vanoti Vashanyira VaSikhala neVamwe Vavo kuJeri reChikurubi


Jeri reChikurubi.
Jeri reChikurubi.

Mutungamiri webato reMDC, VaDouglas Mwonzora vanonzi vashanyira mumiriri weZengeza West muparamende vari zvakare mutevedzeri wasachigaro vebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaJob Sikhala pamwe nedzimwe nhengo dzebato reCCC dziri muhusungwa kujeri reChikurubi muHarare.

Mukuru muboka rezvekuburitswa kwemashoko muMDC, VaChengetayi Guta, vanoti sebato, vakaona zvakakodzera kuti vashanyire vasungwa ava vachivasimbisa munguva yavari yakaoma kudai, zvakaita kuti vakumbire mvumo mwedzi maviri yadari.

VaGuta vanoti VaMwonzora vakanyorera kubazi rezvemitemo vachikumbira mvumo uye gwaro rekuti vaende kundoona VaSikhala vakazoriwana neChisnu chadarika. Havana kuda kutaura kuti zvii zvakurukurwa pakati pemutungamiri webato ravo naVaSikhala.

Hurukuro naVaChengetayi Guta
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutauriri wemhuri yekwa Sikhala vari gweta, VaFreddie Masarirevu, vanoti semaziviro avo VaMwonzora havana kusangana naVaSikhala, vachiti vaSikhala vakataura kare kuti havasi kuzosangana navo.

VaMasarirevu vanoti VaSikhala vane zvikonzero zvakasiyanasiyana zvinoita kuti vasada kusangana naVamwonzora, zvinosanganisira chekutyira hupenyu hwavo.

Hurukuro naVaFreddie Masarirevu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti VaMwonzora vave kushandisa kutambura kwaVaSikhala nevamwe vavo vari mujeri kuwana nazvo mbiri mune zvematongerwo enyika, izvo zvarambwa naVaGuta vachiti zvavaitira VaSikhala zvinhu zvavanogona kungoitira mwana weZimbabwe wese.

VaSikhala nevamwe vavo gumi nevashanu vanosanganisira mumiriri weChitungwiza North, VaGodfrey Sithole, vave nemwedzi mina vari muhusungwa vachipomerwa mhosva yekukurudzira mhirizhonga kuNyatsime zvhcitevera kupondwa kwaMuzvare Moreblessing Ali vebato reCCC.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG