Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anozivisa Mazita eVana Vatanhatu Vakashaya muTsaona YeVana vepaTynwald High School kuNyanga


Vana vechikoro vatanhatu vepa Tynwald High School muHarare vakashaya mutsaona yekubheuka kwebhazi rechikoro chavo kuNyanga neChishanu.

Vana vatanhatu vepachikoro cheTynwald High chiri muHarare vakashaya neChishanu manheru vamwe makumi matatu nevapfumbamwe kusanganisira vashandi vechikoro vakakuwara mutsaona yemumugwagwa mushure mekubheuka kwebhazi rechikoro ichi pedyo nehotera yePine Tree kuNyanga.

Mapurisa azivisa kuti vakashaya mutsaona iyi ndiAnesuishe Hove (14), Anita Manyuka (16), Beyonce Guyo (15), Destiny Dziva (14), Kimberly Tarisai Mutusva (15) naCraig Madanhire ane makore asina kuziviswa.

Tsaona iyi inonzi nemapurisa yakaitika mushure mekunge mutyairi webhazi rechikoro iri akundikana kuramba ari mumugwagwa, zvakaita kuti ribheuke uye kupidiguka kakawanda richidzika kupinda mudinha marakazonorara nemusana.

Mumagwaro avaburitsa, mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vati pavana vakashaya ava, vashanu vavo vanasikana nemukomana mumwechete.

Vakakuvara vanonzi vakaendeswa kuzvipatara zvinoti Nyanga District Hospital neVictoria Chitepo Provincial Hospital kwaMutare, uye vavo vanonzi vabuditswa muchipatara.

Kanzura weWard 16 mudunhu reHarare West, VaDenford Ngadziore, vanoti muwadhi mavo mune vana vatatu vakashaya mutsaona iyi.

Vanoti chiitiko ichi chakanganisa zvakanyanya dunhu reHarare West sezvo vamwe vakashaya vari kuWard 41 mudunhu rimwechete.

VaNgadziore vanoti vachabatana nemumiriri wedunhu reHarare West, Muzvare Joanna Mamombe pamwe nakanzura weWard 41, Muzvare Kudzai Kadzombe neSvondo vachishanyira mhuri dzakarasikirwa nevana vachibata maoko, uye kuona vane vana vakakuwara.

Vanoti vanotsigira kurudziro yekuti dai padzikwa mutemo unorambidza kufamba kwemabhazi ezvikoro usiku, uyewo vanokurudzira vabereki kuti vange vachiona kuti mabhazi ari kufamba nevana anenge akakodzera here kupinda pamugwagwa.

Hurukuro naKanzura Denford Ngadziore
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG