Accessibility links

Breaking News

Zvimwe zviZvarwa zveZimbabwe Zviri muZvikoro muSouth Africa Zvotyira Hupenyu Hwazvo


Operation Dudula
Operation Dudula

Mutungamiri wesangano rinomirira zvizvarwa zvekunze kwenyika zviri muSouth Africa, reAfrican Diaspora Global Network, Doctor Vusimuzi Sibanda, vanoti sangano ravo riri mushishi mekutaurirana nehurumende yeSouth Africa kuti ichengetedze kodzero dzevabvakure vanosanganisira zvizvarwa zveZimbabwe zviri kudzidzisa nekudzidza munyika iyi.

Izvi zvinotevera mashoko akataurwa nesangano remu South Africa reOperation Dudula iro riri kuti richatanga kuenda muzvikoro kunodzinga vabvakure kuti vadzokere kumusha kwavo.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri kurairidza nekudzidza muzvikoro zvemunyika iyi.vazhinji vanoti vari kugara vakabatira ura mumaoko asi Doctor Sibanda vati mumisangano yavakaita hurumende yeSouth Africa yaiti haisi kuzoregedza Operation Dudula ichiita madiro ajojina

"Vadzidzisi nevadzidzi ngavarambe vachienda kuzvikoro zvavo sezvo tiri kuita hurukuro ne hurumende yeSouth Africa kuti vabva kure vasa shungurudzwe nechikwata che Operation Dudula,"Doctor Sibanda vaudza Studio 7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG