Accessibility links

Breaking News

Vagari vekuShurugwi, kuMdilands, Voshushikana neKuparadzwa Kwavanoti Kwoitwa Gomo reBoterekwa neVanotsvaga Zvicherwa


Kukanganiswa kunonzi nevagari kuri kuitwa gomo reBoterekwa riri kuShurugwi nevari kutsvaga goridhe.

Vamwe vagari vekuShurugwi vari kuchemachema nekupazwa kwavanoti kuri kuitwa gomo reBoterekwa nevanhu vari kutsvaka zvicherwa, izvo vanoti zviri kunyangadza nzvimbo yavo.

Gomo reBoterekwa nderimwe renzvimbo dzinonzi dzinoyevedza muShurugwi mudunhu re Midlands. Asi mumwe mugari weShurugwi, VaTitus Chirume, vati kucherwa kwegoridhe kunyanya mugomo iri kuri kusakadza nharaunda nekuparadza kuyevedza kwegomo iri.

VaChirume vatiwo kushandiswa kwemishonga yavati ine njodzi mukutsvagwa kwegoridhe kuchakanganisawo hugaro hwavo pamwe nezvipfuwo zvavo.

Izvi zvatsigirwawo naVaGreyham Gavi, avo vatiwo vanokatyamadzwa kuti mamwe makambani ari kuchera mugomo iri ari kutopiwa mvumo. VaGavi vati apo vagari veShurugwi vari kukanganisirwa nharaunda yavo, hapana chavari kuwana uye hapana chinoratidza kuti nharaunda ichagadziridzwa.

Imwe yemakambani ari kunyanyosvorwa zvakanyanya ikambani iri kutsvaka goridhe inonzi Chengxi Mining. Kunyangwe zvazvo vagari vachiti kambani iyi iri kukanganisa nharaunda, inonzi ine mapepa anoibvumidza kushanda kusanganisira mapepa anopiwa nesangano rinochengetedza nharaunda reEnvironment Management Agency, EMA.

Studio 7 yakundikana vakuru vekambani iyi kuti tinzwe divi ravo tisati yataenda pamhepo.

Sachigaro wekanzuru yeTongogara variwo zvakare kanzura weWard 18 munova mune nzvimbo yeBoterekwa, VaGoldman Kapeta, vati vaizosununguka kutaura nesu vationa kwete zvepanharembozha. Asi vaudza Studio 7 kuti kambani

yeChengxi Mining ine mapepa kubva kuEMA vachitiwo havasati vawana nyunyuto kubva kuvagari nezvekuparadzwa kwenharaunda uku.

Mukuru we EMA mudunhu reMidlands, VaBenson Bhasera, vaudza Studio 7 kuti vanga vasingakwanisi kutaura nesu pazuva ranhasi kuti tinzwe kuti kambani iyi ine mvumo here kana kuti kwete vachiti tivabate mangwana.

Studio 7 yakundikanawo kunzwa kubva kubazi rinoona nezvezvicherwa.

Nyaya ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG