Accessibility links

Breaking News

Makambani ekuChina Anodarika Makumi Matatu Oratidza Zvaanoita paMusika weMabasa weMazuva Maviri, weStanbic-China Job Fair


Varongi vemusika wemabasa weStanbic-China Job Fair.
Varongi vemusika wemabasa weStanbic-China Job Fair.

Makambani makumi matatu ekuChina ari kupinda muzviratidzwa zveChina-Stanbic Job Fair kwemazuva maviri apo anotarisirwa kupinza basa vanhu vanodarika mazana manomwe, zvikuru sei mainjiniya.

Zviratidzwa izvi zviri kurongwa nebhanga reStanbic pamwe nesangano rinomirira makambani ekuChina muZimbabwe reChamber of Chinese Employers in Zimbabwe.

Mumashoko avo pavhurwa zviratidzwa izvi muHarare nhasi, mukuru anoona nezvemabhizimisi mubhanga reStanbic, VaPatson Mahachi, vati donzvo rezviratidzwa izvi ndere kubatsira vana veZimbabwe kuwana mabasa.

Vati bhanga ravo rine hukama hwakasimba nemakambani ekuChina ndosaka vabatana nawo pazviratidzwa izvi.

Mutevedzeri wasachigaro weChamber of Chinese Enterprises in Zimbabwe zvakare vachiona nezvekuburitswa kwemashoko musangano iri, Amai Shanel Liu, vati varonga zviratidzwa zvanhasi nemangwana nekuti makambani anobva kuChina ari muZimbabwe anoda kubatsirwa kutsvaga vashandi uyewo vanhu vakawanda munyika havana mabasa.

Vaenderera mberi vachiti pane kusanzwisisa munyika pamusoro pemashandiro anoita makambani ekuChina munyika uye zviratidzwa izvi zvinopa vari kutsvaga mabasa mukana wekubvunzurudza nekunzwisisa mashandiro anoita makambani ekuChina.

Mumwe wechidiki apinda muzviratidzwa izvi, Muzvare Naome Chifamba, audza Studio 7 kuti zviratidzwa izvi zvakanaka chose sezvo zvichipa vanhu mukana wekuwana mabasa.

VaMalvin Katiyo vatiwo vatiwo zviratidzwa izvi zvakanaka asi vakati hazvinyanyi kubatsira zvikuru sei kune avo vachangobva kuchikoro.

Mukuru anoona nezvekupinzwa kwevanhu mabasa mubazi rezvevashandi nekugara zvakanaka kwevanhu, Amai Vimbai Chiza, vati hurumende inotsigira zviratidzwa izvi.

Vatiwo kunyange munyika muchinetsa mabasa, pane mamwe mabasa akawanda anoda hunyanzvi ayo ari kutoshaya vanhu.

Pane makambani ekuChina anodarika makumi masere ari muZimbabwe uye ane vashandi vemuno vanodarika zana rezviuru (100 000).

Nyaya ina Godwim Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG