Accessibility links

Breaking News

Muimbi weNziyo dzeChitendero, Miriam Mlambo, Anove Nhengo yeKereke yeJohani Masowe yeChishanu, Osanganisa Nziyo Dzake neMagitare.


Miriam Mlambo anozivikanwa zvakare saProphetess Miriam

Muchirongwa chedu chesvondo rino chemimhanzi tiri kukupai hurukuro nemuimbi wemusambo wenziyo dzechitendero, Miriam Mlambo, uyo anorarama ari kuUnited Kingdom.

Miriam anoti akadzidzira basa reukoti ku United Kingdom asi haana kukanganwa chipo chake chekuimba.

Miriam, anove nhengo yekereke yepostori yeJohane Masowe yeChishanu, anosanganisa magitare nenziyo dzekereke yake.

Achitsanangura nhoroondo yehupenyu hwake mune zvemagitare, Miriam anoti akakura ari munhu aingova nechipo chekunyora mimhanzi nekuimba.

Miriam anoshandisa zita rekuti Prophetess Miriam mune zvemagitare uye dambarefu rake rinozi "Nguva Yakwana" raakatsikisa gore rino ndiro rekutanga rine nziyi sere.

Panziyo dzake anoti inonzi "Hossana" ndiyo yaanonyaya kufarira.

Hurukuro na Miriam Mlambo - Woza Friday.
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG