Accessibility links

Breaking News

Mutambi weTsiva weChidzimai, Kudakwashe Chiwandire, Opinda muNhandare naZulila Munoz wekuMexico kudzivirira bhande reWorld Boxing Council


Kudakwashe Chiwandire ari kupinda munhandare kudzivirira bhande rake reWBC achirwa naZulila Munoz wekuMexico.

Mutambi wetsiva wechidzimai, Kudakwashe Chiwandire, manheru anhasi ari kupinda munhandare naZulila Munoz wekuMexico kudzivirira bhande rake reWorld Boxing Council, pamberi pemutevedzeri wemutungamiri weWBC pasi rose, VaHoucine Houchi.

VaHouchi vanoti anokunda mumutambo wanhasi achawana mukana wekurwira bhande repamusorosoro reWBC, regoridhe, iro riri mumaoko aYimelethi Mercado wekuMexico pari zvino.

Chiwandire anga akamirira mutambo uyu nemaziso matsvuku mushure nekuendeswa kwawo mberi kubva kumusi wa 27 Nyamavhuvhu kuiswa kumusi wa 1 Gumiguru ndokutadza kuitwa musi uyu zvekare.

Asi Munoz akasvika muZimbabwe neMuvhuro mushure mekupindira kwehurumedze kugadzirisa nyaya dzemari dzaitadzisa mutambo uyu kuitwa.

Vatambi ava vari kubhadharwa mari dzavo nehurumende iyo mukuru weZimbabwe Boxing and Wrestling Control Board VaLawrence Zimbudzana vanoti anokunda ari kuwana zviuru makumi maviri zvemadhora ekuAmereka.

VaZimbudzana vanoti vari kufara kuti mutambo uyu wabudirira vachiwedzera ivo kuti vachafarisisa kana Chiwandire akakunda.

Chiwandire pachake anoti akagadzirira zvakakwana mutambo wakakosha uyu.

Asi Munoz ane nhoroondo yakasimba mumutambo uyu mushure mekukunda mumitambo makumi mashanu nemiviri, pamitambo makumi mashanu neminomwe yaatamba.

Chiwandire atamba mitambo misere, akakunda mumitambo mishanu.

Mumwe murongi wemitambo yetsiva, VaStalin Mau Mau, vayambira Chiwandire kuti anofanira kusunga dzisimbe nekuti Munoz haasi wemutamba naye.

Asi VaClyde Musonda, vanove zvekare murairidzi waChiwandire vanoti mutambi wavo ane matambiro akasiyana zvikuru nematambiro evamwe vanhukadzi zvekuti vari kuona achidarika pachinhanho chaari ichi.

Vanoti vari kuona Chiwandire achidarika panaMunoz achinotora mabhande ese ari muhuremu uhu.

Mutambo uyu ndiwo wekutanga weWBC kuitirwa muZimbabwe uyezve wechitatu chete kutambirwa muAfrica.

Pamusoro pemutambo waChiwandire naMunoz, pane mimwe mitambo yetsiva misere yarongwa manheru ano.

Tinashe Madziwane, uyo akambotora mukombe weAfrica Boxing Union, ari kupinda munhandare kurwa naJeremiah Mhere vachirwira bhande reNational Champion rehuremu hweSuper Bantamweight.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG