Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu Gumiguru 14, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Mamwe masangano anomirira varairidzi onyunyuta nedanho rebazi redzidzo yepasi rekuti vana vakapedza kunyora bvunzo dzeGrade 7 svondo rino varambe vachienda kuchikoro achiti hurumende haina kunzwawo kubva kwaari.

Asi bazi redzidzo yepasi rinoti chirongwa chekuti vana varambe vari pachikoro chakanangana nekuti vana vakanyora bvunzo dzeGrade 7 ava vawane mukana wekudzidziswa nezvavachanosangana nazvo mberi, kana kuti “Life Orientation Programme”.

Makambani ekuChina anosvika makumi matatu ari kuratidza zvigadzirwa zvawo pamusika wekushambadza mabasa weChina-Stanbic Job Fair apo makambani aya ari kutarisirwa kukwanisa vanhu vadarika mazana manomwe mabasa mumapoka akasiyanasiyana, zvikuru ku engineering.

sangano reAfrican Diaspora Global Network rinoti riri mushishi mekutaurirana nehurumende yeSouth Africa kuti ichengetedze kodzero dzevabva kure vanosanganisira zvizvarwa zveZimbabwe zviri kudzidzisa nekudzidza munyika iyi zvichitevera danho ratorwa nechikwata cheOperation Dudula rekuda kupinda muzvikoro richidzinga vabvakure.

Vamwe vagari veShurugwi vochemachema nekupazwa kuri kuitwa gomo reBoterekwa nevari kutsvaka zvicherwa.

Mutambi wetsiva wechidzimai, Kudakwashe Chiwandire, manheru anhasi ari kupinda munhandare naZulila Munoz wekuMexico kudzivirira bhande rake reWorld Boxing Council, pamberi pemutevedzeri wemutungamiri weWBC pasi rose, VaHoucine Houchi.

Muchikamu chedu chemimhanzi chesvondo rino, tinokupai hurukuro nemuimbi wemusambo wezvechitendero, kana kuti gospel, Miriam Mlambo, uyo anorarama ari KuUnited Kingdom.

Muchirongwa chedu cheLivetalk na 8 pm nhasi tiri kutarisa nezvekushambadzwa kuri kuitwa mabasa nezvigadzirwa nemakambani makumi matatu ekuChina pamwe ne Hlanganani- Sanganai 2022 iyo yatanga kwemazuva maviri mu Bulawayo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG