Accessibility links

Breaking News

VaKgalema Motlanthe Vogeza Maoko saPirato paGwaro Ravo raVaKanzi Vaite naVaMnangagwa


VaGodwills Masimirembwa veZanu-PF kuruboswe naVaKgalema Mothlante
VaGodwills Masimirembwa veZanu-PF kuruboswe naVaKgalema Mothlante

Makore matatu mushure mekunge Motlanthe Commission yaita kurudziro yekuti mhuri dzevakaurayiwa kana kukuvadzwa nemasoja mumhirizhonga yakaitika musi wa1 Nyamavhuvhu 2018, dziripwe, mhuri idzi dzinoti hadzisati dzaripwa uye dzinoti hadzisati dzaziva kuti ndiyani chaiye akauraya kana kukuvadza hama dzavo.

Gweta reZimbabwe Human Rights NDO Forum riri kumirira vamwe vakapfurwa musi uyu, VaDzikamai Chimhanga naVaAndy Manyeruke, VaWilbert Mandinde, vaudza Studio 7 kuti vaviri ava havasati varipwa asi hurumende iri kutopikisa mutongo wedare repamusoro wekuti ivaripe.

Muzvare Allison Charles, hanzvadzi yemushakabvu, Garvin Charles Dean, vaudza Studio 7 kuti hapana chavati vawana uye mwanasikana akasiyiwa nemushakabvu ave muForm 2 anoda rubatsiro rwemari yechikoro nezvimwe.

Mukuru wemapurisa vaGodwin Matanga
Mukuru wemapurisa vaGodwin Matanga

Muzvare Charles vati mhuri yavo inoda kuripwa pamwe nekuziva kuti ndiyani akauraya hama yavo kuitira kuti vakwanise kuzorora pamweya yavo.

Mumiriri weimwe mhuri ine munhu akapfurwa akafa musi uyu uyo aramba kudomwa nezita, audzawo Studio 7 kuti hapana chavati vawana uye havachina tariro yekuripwa.

Asi munyori mubazi rezvemutemo zvakare vaive munyori weMotlanthe Commission, Amai Virginia Mabiza, vaudza Studio 7 parunharare, kuti pane vamwe vanhu vakatoripwa vachiti bazi reSocial Wefare rave kutobhadhara mari yechikoro yedzimwe mhuri dzakapinda mutsekwende pabongozozo ra1 Nyamavhuvhu.

Zvimwe zvakanzi zviitwe neMotlanthe Commission ndezvekuti mapurisa nemauto aite basa rawo achitevedza bumbiro remitemo.

Amai Mabiza vati bazi ravo riri kuita zvirongwa zvakawanda zvekudzidzisa mapurisa nemauto nezvebumbiro remitemo.

Izvizvi zvatsinhira nemutungamiri webato rinopikisa reNational Constitutional Assembly, zvakare vaive nhengo yeMotlanthe Commission, VaLovemore Madhuku asi vakati havasi kufara kuti masoja akauraya vanhu havasati vasungwa.

Mukuru weZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko, vaudza Studio 7 kuti kunyange Motlanthe Commission yakati mapurisa nemauto anofanira kutevedza bumbiro remitemo pabasa rawo, izvi hazvisi kuitika sezvo mapurisa nemauto ari kuramba achishunguradza vanhu panguva ino yedenda reCovid-19.

Mutauriri weNational Peace and Reconciliation Commission, VaObert Gutu, vaudza Studio 7 kuti komisheni yavo iri kuedza napose painogona napo kugadzirisa zvinhu munyika kuti pave nekuregererana uye kuti vanhu vagare murunyararo.

VaGutu pane nyaya dzakawanda dzinodarika chiuru dzavari kuferefeta nechinangwa chekupodza marwadzo, kuregerena pamwe nekuti vakatadzirwa varipwe kuti munyika muve nerunyararo.

Tabvunza mutauriri weMDC Alliance Advocate Fadzayi Mahere kuti vachapinda musarudzo dza2023 here kana hurumende ikatadza kutevedza Motlanthe Commision vakati izvozvo hazvivatadzisi kupinda musarudzo.

Mhirizhonga Nyamavhuvhu 20218 yakaitika mushure mekunge vatsigiri vebato rinopikisa reMDC Alliance neveruzhinji vapinda mumigwagwa vachiratidzira kunonoka kuburitswa kwezvainge zvabuda musarudzo yemutungamiri wenyika.

Mushure memhirizhonga iyi, mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vakaumba komiti yaitungamirwa nevaimbove mutungamiri weSouth Africa, VaKaglema Motlanthe kuti vaongorore kuti chii chakakonzera bongozozo pamwe nekupa pfungwa dzavo kuti chii chingaitwe kuti izvi zvisaitike zvakare.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG