Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yobatana neCCC Mukuchema Mutori weNhau Abigail Gamanya


Abigail Gamanya
Abigail Gamanya

Hurumende yabatana nevanopikisa veCitizens Coalition for Change mukuchema mutori wenhau, Abigail Gamanya uyo akashaya nemusi weMuvhuro akaradzikwa kumarinda eWarren Hills muHarare nhasi.

Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaKindness Paradza vati Muzvare Gamanya igamba kuvatori venhau.

Izvi zvatsinhirwa nemutungamiriri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaNelson Chamisa.

VaChamisa vati mushakabvu akabatsira zvakanyanya kuumbiridza madzimai ari mune zvematongerwo enyika kubato ravo nekuvasimudzira.

Vatiwo mushakabvu akabatsira hurumende zvakanyanya apo aishanda muhofisi yevaimbove mutungamiri wehurumende, mushakabvu Morgan Tsvangirai.

Vachitaura pakuradzikwa kwemwana wavo, baba vemushakabvu VaFidelis Madzivadondo vatiwo mhuri yavo yarasikirwa zvikuru

Shamwari yemushakabvu, Amai Tambudzanai Jonera vati kunyangwe hazvo varasikirwa uye varimukurwadziwa vari kurumbidza mabasa akanaka aiitwa naMuzvare Gamanya.

VaRashweat Mkundu vakashandawo nemushakabvu vatiwo anga ari chipangamazano

Muzvare Gamanya vakamboshandawo kusangano reMedia Institute of Southern Africa Zimbabwe. Vafa vachiita basa rekubatsira masangano enhau kuti agadzire mitemo yekuyenzanisa mikana pakati pemadzimai nevanhurume kana kuti ma”Gender Policy” izvo zvakarumbidzwa nevazhinji. Muzvare Gamanya vasiya mwana mumwe chete, Ruvarashe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG