Mutori wenhauAbigail Gamanya aradzikwa muHarare nhasi vakawanda kusanganisira muhurumende nemumapato anopikisa vachimurumbidza nemabasa ake ekusimudzira madzimai.
Vaimbove mutungamiriri weSouth Africa, VaKgalema Monthlante, vanonzi vakaudza masangano akazvimirira munyika kuti havana zvavanokwanisa kuita kuona kuti zvisungo zvavakaburitsa mugwaro ravo zvichitevera ongororo yavakaita pakuurawa kwakaitwa vanhu nemauto musi wa1 Nyamavhuvhu 2018, vachiti basa ravo rakapera pavakasvitsa gwaro iri kuhurumende yeZimbabwe.
Vashandi vehurumende vanoti vari kuda kuita musangano wechimbi chimbi nehurumende panyaya yemari yemabhonasi.
Zimbababwe yoparura chirongwa chekubatsira vanhu nemagwaro ekuzvarwa nekufambisa kuBotswana.
Vezvematongerwo enyika votatsurana panyaya yekuti hurumende iri kukwanisa kuchengetedza runyararo here munyika kana kuti kwete apo vakawanda voponndwa nekubirwa pachishandiswa pfuti.
Muchirongwa chedu cheLivetalk Diaspora Forum na 8 pm nhasi. Tiri kuita hurukuro nezvemabasa akabatwa naMuzvare Abigail Gamanya mutori wenhau aradzikwa muHarare nhasi akashanda kusimudzira madzimai kuti vawane mikana munyaya dzekuburitswa kwemashoko.
Mushakabvu akamboshandawo muhofisi yevaive mutungamiri wehurumende mushakabvu Morgan Tsvangirai.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose
Facebook Forum