Accessibility links

Breaking News

Harare Yopihwa Mari Shoma yeBudiriro Mumatunhu


VaJacob Mafume

Meya weHarare VaJacob Mafume vanoti pamari yechirongwa chekuendesa masimba kuamatunhu kana kuti devolution inodarika mabhiriyoni maviri, kanzuru yavo yakangopihwa mamiriyoni zana nemakumi mashanu kana kuti 150 million.

VaMafume vanoti mari yavakapiwa kubva kuhurumende yematunhu ishoma zvikuru sezvo vakawana madhora mamiriyoni zana nemakumi mashanu chete.

Vati kusauya kwemari iyi nenguva kuri kudzosera kumashure mabasa ekanzuru vachiti dai vakawana mari iyi vangadai vari kugadzirisawo nyaya dzemvura muguta nemamwe matambudziko.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kubazi rezvemari sezvo tatadza kubata gurukota VaMthuli Ncube huyewo nharembozha yemunyori mubazi iri VaGeorge Guvamatanga yanga isingadairwi.

Asin yaya yemari inofanira kupihwa kanzuru yeHarare pacchirongwa chiri mubumbiro remutemo rakavandudzwa muna 2013 iyi haina kunyatsojeka. Munyori mubazi rezvematunhu VaZvinechimwe Churu vakamboburitsa mashoko kuvatori vanhau vachiti imwe mari yaifanira kupihwa kanzuru munyaya dzebudiriro yaizenge yobhadhara chikwereti che Geogenix BV.

Kambani iyi yakapihwa basa rekusimudzira mabasa pagomba rinorasirwa marara rePomona kuti igadzire magetsi nezvimwe kanzuru ichibhadhara isati yadzoserwa zvivakwe negomba iri kwapera makore makumi matatu. Asi VaMafume vakatsika madziro vachiti chibvumirano ichi hachina zvachinobatsira kukanzuru.

Izvi zvatsinhirwa nhasi neverimwe sangano rinomiririra vagari reHarare Resident Trust ratambidza VaMafume tsamba yenyunyuto iyo iriku kurudzira kanzuru kuti ichidambura zvachose chibvumirano ichi.

Mukuru weHarare Residents Trust VaPrecious Shumba vati vanoda kuti chibvumirano ichi chiraswe.

VaShumba vatiwo sevagari vari kutarisira kuti kanzuru itore nzvimbo yayo yemarara yePomona.

VaShumba vatiwo izvi zvikasaitwa, vagari vacharatidzira vachivharidzira mota dzekanzuru kuti dzirege kutakura marara anoenda kuPomona. Vati kanzuru kana isati yatora nzvimbo yemarara iyi inofanirwa kutsvaga kumwe kwekurasira marara kusiri kunzvimbo yePomona.

Vachitaura mushure mekutambira tsamba yenyunyuto iyi VaMafume vati vanotsigirana nevagari vachiti chibvumirano ichi chakaipa zvikuru.

VaMafume vatiwo tsamba yavatambira iyi inemasiginicha anodarika zviuru zvishanu vachitiwo izvi zvakakosha zvakanyanya uye zvinoratidza kuti kanzuru yavo iri kumiririra vagarai mukuramba kuenderera mberi nechibvumirano ichi.

Pasi pechibvumirano ichi icho chakamboiswa padivi nekanzuru, kanzuru yeHarare inofanira kubhadhara kambani yeGeogenix BV makumi mana emadhora ekuAmerica patani yegayega yemarara anoendeswa kuPomona zvichireva kuti pakupera kwegore kambani Iyi inenge ichifanira kubhadharwa mari inodarika mamiriyoni masere emadhora ekuAmerica kana kuti 8 million.

Chibvumirano ichi, chakanyoreranwa nekanzuru nekambani yeGeogenix BV panguva yaitungamirwa kanzuru yeHarare nemakanzura eMDCT uye chakonzera mutauro wakanyanya munyika.

Muneimwe nyaya, VaMafume nhasi vatambirawo zvipo zveMayors Cheerfund zvinosanganisira magumbeze, mibhedha nezvimwewo zvabva kuhotera yeBronte muHarare. Vakurudzirawo veruzhinji kuti vakwanisewo kupa kune vanoshaya kuburikidza nekuisawo mari nezvipo muhomwe yeMayors Cheerfund iyo inozobatsira vanotambura muguta pamhemberero dzekisimusi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG