Accessibility links

Breaking News

Mitumbi yeVanhu Gumi Vakafa neHutsi Yoongororwa kuUBH kuBulawayo


Mapurisa aburitsa mazita evanhu gumi vakafa mushure mekutadza kufema nehutsi hwemoto wavaiyedza kudzima uchipisa sora papurazi rinonzi Rodrose kuEsigodini nezuro.

Mitumbi yevanhu ava yakaendeswa kuchipatara cheUnited Bulawayo Hospitals kuti inovhenekwa navanamazvikokota.

Mumashoko padandemutande reTwitter, mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi vati vanhu vakashaya vanoti VaKessary Sibanda vane makore makumi mashanu nematau-53, VaIan Mudimba vane makore gumi nematatu nemasere 38, VaSimon Mdlongwa vane makore makumi matatu nemapfumbamwe, 39, VaNelisingwane Dlamini vane makre makumi mana nemanomwe-47, VaLuzibo Tshuma vane makore asina kuziviswa, VaOliver Mudimba vane makore makumi matatu nemapfumbamwe, VaBafana Moyo, vane makore makumi mashanu nematatu, 53, VaEngland Moyo vane makore makumi maviri 20, VaThabani Mpofu vane makore makumi mana nematanhatu, uye VaMenelisi Ngwenya vane makore makumi maviri-20 zvekare.

Mapurisa atiwo achasunga vanhu vari kupisa masango izvi zviri kukonzera kufa kwevanhu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG