Accessibility links

Breaking News

Varimi Vochemachema neKukwira kweMitengo yeZvinodiwa Pakurima, Zvakaita seFotereza neMbeu Apo Mwaka weKurima wa2022-2023 Wave Kutanga


Vamwe varimi vekuMashonaland West vakatakura mbeu. Mitengo yembeu nefotereza iri pamusoro inonzi iri kuremera varimi vakawanda.
Vamwe varimi vekuMashonaland West vakatakura mbeu. Mitengo yembeu nefotereza iri pamusoro inonzi iri kuremera varimi vakawanda.

Vamwe varimi munyika vari kuchemachema nekwavanoti kukwira kwakanyanya kwemitengo yezvekurimisa, zvikuru fotereza, uko kwavanoti kuchaita kuti vadzore ndimo dzavo mwaka uno vorima padiki pekungoti vakwanise kuwana cheuviri asi vasiri kutarisira kuzotengesa zvakawanda.

Vamwewo ndivo vanoti vave kungotarisira kuzvirongwa zvehurumende zvakaita sechemutungamiri wenyika, chePresidential Input Scheme, nePfumvudza, sezvo ivo pachezvavo vasiri kuona vachikwanisa kutenga zvikwanisiro zvinoita kuti vakwanise kubaya gejo pandima dzakakura.

Murimi, VaGadzira Chirumhanzu, avo vari kurima vari kuMvuma, vanoti zvose zvinodiwa nemurimi kuti akwanise kudzokera mumunda mwaka uno zvizere muzvitoro, asi chipingidzo kushaikwa kwemari nekuda kwermamiriro ehupfumi hwenyika.

Izvi zvinotsinhirwa nemutungamiri werimwe sangano revarimi, reZimbabwe Integrated commercial farmers’ union, Amai Maiwepi Jiti, avo vanoti mitengo yefotereza, mbeu nezvimwe zvinodiwa nemurimi, kusanganisira dhiziri, iri kukwira zvisina shumo.

VaChirumhanzu vanoti kunyange hazvo mitengo yezvinhu iri pamusoro zvakanyanya, varimi vanozongowanawo kufema kuburikidza nezvirongwa zvehurumende zvakaita sePfumvudza nePresidential Input Scheme, izvo zvinogovera varimi mbeu nefotereza pachena.

Asi Amai Jiti vanoti kunyange hazvo zvirongwa zvehurumende izvi zvakanaka, zvinonyanyobatsira varimi vadiki vepasi, zvichisiya varimi vepamusoro vari pachena.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanotiwo semaonero avo mitengo iri pamusoro yezvinodiwa pakurima inogona kudzikisa goho zvakanyanya.

Doctor Chitambara vanoti kunyange hazvo hurumende ichimbobatsira vamwe varimi nezvirongwa zvayo zvakasiyanasiyana, mwaka uno inotofanirwa kupindira zvakanyanya kuitira kupa rutsigiro kuvarimi vakawanda.

Ongororo yaitwa neStudio 7 muzvitoro zvakasiyanasiyana muHarare nepa Murehwa Centre inoratidza kuti mitengo iri kusanganikwa nayo nevarimi yakamira yakati, tsaga remakirogiramu makumi mashanu, kana kuti 50 kg yefotereza yepasi yerudzi rweCompound D riri kutengeswa nemadhora ekuAmerica ari pakati pemakumi matatu nemapfumbamwe, kana kuti US$39.00, nemadhora makumi mana nemashanu, kana kuti US$45.00.

Tsaga remakirogiramu makumi mashanu, kana kuti 50 kg reUrea rinonzi mune zvimwe zvitoro riri kutengeswa nemadhora ekuAmerica anobvira pamakumi manomwe kana kuti US$70.00 zvichikwira.

Fotereza yepamusoro kana kuti AN, inonzi iri kutengeswa nemadhora ekuAmerica ari pakati pemakumi mashanu nemaviri, kana kuti US$52.00, richisvika kumadhora makumi mapfumbamwe kana kudarika, zvikuru kuzvitoro zviri kumaruwa ari kure neHarare kana kuti US $90.00.

Mbeu inonzi iri kutengwawo nemitengo yakasiyanasiyana zvichienderana nezvitoro, tsapo yemakirogiramu mashanu ichitangira pamadhora ekuAmerica gumi nemashanu, kuchitiwo makirogiramu gumi achitangira pamadhora makumi matatu ekuAmerica zvichikwira.

Hondo iri pakati peUkraine neRussia inonzi yakakonzerawo kushomeka kwefotereza pasi rose izvo zvinonzi nedzimwe nyanzvi mune zvehupfumi zvichatowedzera dambudziko rechikafu pasi rose.

Russia neBelarus dzakabatana dzinowanisa pasi rose zvikamu makumi mana kubva muzana kana kuti 40 percent zve potash, iyo inogadziriswa fotereza.

Bepanhau reHerald rinoti Zimbabwe inoshandisa mari inoita US$662 million pagore kutenga fotereza kubva kunze kwenyika.

Nyaya yemitengo yezvikwanisiro zvekurimisa ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG