Accessibility links

Breaking News

Amai Mutsvangwa, Masangano eVatori veNhau Voshora Kurohwa kweMutori weNhau weStudio 7 paMusangano weZanu-PF


Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa

Hurumende inoti vatori venhau vanofanira kusiiwa vachiita basa ravo vakasununguka uye vakachengetedzeka. Izvi zvinotevera kurohwa kwakaitwa mutori wenhau anoshanda akazvimirira Godwin Mangudya nenhengo dzeZanu PF neMugovera.

Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vaudza Studio 7 vari kuKadoma kuti havasi kufara nekurohwa kwakaitwa Mangudya uyo anoshanda akazvimirira uye achinyorerawo zvakare nhepfenyuro ino yeStudio 7 paaita basa rake neMugovera.

Mangudya akarohwa nenhengo dzeZanu PF mumusha weKuwadzana muno muHarare paiitwa sarudzo dzenhengo dzekomiti yepamusoro-soro muZanu PF yeCentral Committee.

Amai Mutsvangwa vati hurumende haifare kana vatori venhau vachishungurudzwa sezvakaitwa Mangudya uyo akadzimiswa mifananidzo yake paakazvindikitwa nenhengo dzeZanu PF idzi.

Kurohwa kwaMangudya kwashorwawo nemushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi.

Zvichakadai, sangano rinorwira kodzero dzevatapi venhau munyika reMedia Insitute of Southern Africa (Misa-Zimbabwe) riri kushorawo zvakaitika kuna Mangudya. Mutungamiri wesangano iri, VaTabani Moyo, vati kurohwa kwakaitwa Mangudya kunoratidza kuti vatapi venhau vanogona kunge vari parumananzombe pamberi pesarudzo dzegore rinouya.

VaMoyo vakurudzirawo mapato ezvematongerwo enyika, mapurisa pamwe nemamwe masangano anorwira kodzero dzevanhu kuti vaite chirwirarangwe kuona kuti vatori venhau vaita basa ravo vakasununguka zvikurusei pamberi pesarudzo. VaMoyo vati basa revatori venhau rinoita kuti veruzhinji vapinde musarudzo vaine ruzivo rwezvinenge zvichiitika munyika nokudaro vanofanira kunge vakachengetedzeka panguva yavanenge vari pabasa.

Mutauriri wemapurisa VaPaul Nyathi vanga vasiri kudaira nharembozha yavo kuti tinzwe kuti mapurisa asvika papi nekuferefeta kurohwa kwaMangudya asi umwe mupurisa wepakamba yeKuwadzana asina kuda kudomwa nezita sezvo asingabvumidzwe kutaura nevatori venhau atenda kuti nyaya iyi yakamhan’arwa pakamba yavo pasi peRRB number inoti 5303763.

Kutyorwa kwekodzero dzevanhu, kusanganisira dzevatori venhau, ndezvimwe zvezvakakonzerwa kuti vamwe vakuru-vakuru muZanu PF vatemerwe zvirango nenyika dzekumavirira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG