Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yocherechedza Zuva reVane Chirwere chePfungwa


Suicide
Suicide

Zimbabwe nhasi yabatana nedzimwe nyika kucherechedza zuva revane chirwere chepfungwa.

Vachitaura pagungano rekucherechedza zuva iri kana kuti World Mental Health Day muHarare, mutevedzeri wegurukota rezvehutano, Doctor John Chamunorwa Mangwiro vati hurumende yakazvipira kubatsira vane chirwere ichi asiwo vachichema chema nekushandiswa kwezvinodhaka munyika izvo zvinonzi zvinowedzerawo dambudziko rechirwere chepfungwa.

Mukuru wesangano rakazvimiririra reZimbabwe Obsessive Compulsive Disorder Zimbabwe (OCD) Trust, Amai Angelica Mukorongo, avo vane dambudziko rechirwere ichi vakurudzira veruzhinji kuti vasadzikisira pasi vane zvirwere zvepfungwa vachiti zvakangofanana nezvimwe zvirwere. Amai Mukorongo vachemachemawo vachiti vazhinji vane zvirwere zvepfungwa havasi kuwana mishonga muzvipatara zvehurumende vakati dai hurumende yawanisa mishonga yezvirwere zvepfungwa pachena.

Asi VaMangwiro vati hurumende ine hurongwa hwekuona kuti mishonga yezvirwere zvepfungwa yawanikwa zviri nyore munyika.

Amai Babra Machando vanoshanda nesangano rinoona nezvehutano pasi rese reWorld Health Organisation vati dambudziko reCovid-19 rakawedzerawo kuwanda kwezvirwere zvepfungwa vachiti zvakakosha kuti vanhu ava vawane rubatsiro.

Muzvare Batsirai Chiedza Muchochomi vanoshandawo nesangano rinobatsira vane zvirwere zvepfungwa rinonzi Insight Wellbeing vati dambudziko rechirwere chepfungwa rinobata munhu chero upi zvake vachitiwo zvakakosha kuti vanhu vazive kuti zvirwere izvi zvinorapika.

Zuva reWorld Mental Health Day rinocherechedzwa musi wa 10 Gumiguru pasi rese. Mhemberero dzanhasi dzaitwa panine kurudziro yekuti pasi rese rikoshese hutano hwepfungwa.

World Health Organization inoti muAfrica, vanhu vanodarika mamiriyoni mazana manomwe nemakumi mapfumbamwe nemaviri kana kuti 792 million vane chirwere chepfungwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG