Accessibility links

Breaking News

Sarudzo dzeCentral Committee yeZanu PF Dzinonzi Dzafamba Zvakanaka Asi Mune Mamwe Matunhu Dzichikanganiswa neMhirizhonga


Nhengo dzeZanu PF kuManicaland. Bato iri raita sarudzo dzekutsvaga nhengo dzeCentral Committee mumatunhu akawanda emunyika kunze kwedunhu reMasvingo, iro richaita sarudzo idzi neSvondo.
Nhengo dzeZanu PF kuManicaland. Bato iri raita sarudzo dzekutsvaga nhengo dzeCentral Committee mumatunhu akawanda emunyika kunze kwedunhu reMasvingo, iro richaita sarudzo idzi neSvondo.

Sarudzo dzekutsvaga nhengo dzeCentral Committee yebato reZanu PF dzaitwa mune mamwe matunhu emunyika nhasi dzichinzi mune mamwe matunhu dzakanganiswa nemhirizhonga.

KuHurungwe North mudunhu reMashonaland West uko kwanga kuchikwikwidzana Va Rueben Marumahoko naVaTerrence Mukupe, sarudzo dzinonzi dzazosendekwa parutivi mushure memhirizhonga yaitika VaMukupe vachipomerwa mhosva yekutenga mavhoti.

Mudunhu reManicaland, nhengo dzine chitsama dzinonzi dziri kupomerwa mhosva yekuda kutenga mavhoti pazuva resarudzo, imwe yenhengo yanga ichikwikwidza ichinzi yanga ichida kutenga mavhoti nemabhasikoro.

Bepanhau reNewsday rinoti nhengo dzanga dzichitsigira Amai Jenfan Muswere dzarwisana nenhengo dzanga dzichitsigira VaKudzai Chipanga kuMakoni.

Asi mune mamwe matunhu emuMashonaland Westzvinonzi sarudzo idzi dzafamba zvakanaka uye VaMike Chimombe vasarudzwa kuChinhoyi, VaKindness Paradza kuMakonde, kuZvimba South VaPhilip Chiyangwa, kuchitiwo Amai Marian Chombo vachisarudzwa kuZvimba North.

VaZiyambi Ziyambi vanonzi vasarudzwawo kuZvimba West, kuchitiwo kuZvimba East VaFrancis Mukwangwariri.

Mune mamwe matunhu muHarare nekuManicaland, sarudzo dzinonziwo dzakaknganiswa nemhirizhonga, kunyange hazvo dzaenderera mberi.

Mutauriri weZanu PF, VaChris Mutsvangwa vaudza vatori venhau kuti sebato, vanogutsikana nemafambiro aita sarudzo, vachiti dzafamba zvakanaka murunyararo.

Sarudzo kudunhu reMasvingo dziri kuitwa neSvondo mushure mekunge dzaendeswa mberi nekuda kwekuti mutungamiri weZanu PF vari zvakare mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnanangagwa vanga vaine musangano nevatsigiri vebato ravo kuChiredzi wekutenda kukunda kwakaita bato ravo musarudzo dzema By-Election.

Central Committee ndiyo komiti yepamusorosoro muZanu PF, iine zvigaro mazana matatu nezvina.

Zvabuda musarudzo idzi mumatunhu ose zvinotarisirwa kuziviswa nemuzinda we zanu pf kana kuti Command Centre muHarare chero nguva.

Zvichakadaro, Zimbabwe electoral commission, zec, yazivisa kuburikidza nedandemutande re twitter kuti sarudzo dzeWard 15 by-election ku mberengwa dzafamba zvakanaka.

Hatina kukwanisa kunzwa kuti sarudzo dze by-election dzanga dzichiitwa ku nyanga Ward 27 dzafambawo seyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG