Accessibility links

Breaking News

Mutori weNhau weStudio 7, Godwin Mangudya, Anorohwa neKushungurudzwa neNhengo dzeZanu PF kuKuwadzana Ari Pakati peKuita Basa Rake


Studio 7
Studio 7

Mutori wenhau weStudio 7 Godwin Mangudya, anoti arohwa nekushungurudzwa nenhengo dzeZanu PF apo anga achiita basa rake rekutapa nhau kuKuwadzana 6 muHarare.

Mangudya anga aenda mumusha uyu kunoona mafambiro anga achiita sarudzo dzeCentral Committee dzebato reZanu PF dzaitwa nhasi mumatunhu akawanda emunyika.

Anoti vanhu vamurova nekumushungurudza ava vanga vachiti havadi vatori venhau veStudio 7 vachipomera nhepfenyuro iyi mhosva yekutuka nekunyomba mutungamiri webato ravo vari zvakare mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Mangudya anoti ashungurudzwa kwenguva inodarika awa yose, uye ambobvutirwa imwe yenharembozha dzake vanhu ava vakadzima zvose zvanga zvirimo asi vakazomudzosera pashure.

Nyaya iyi yasvitswa kuvakuru veZanu PF, vanosanganisira mutauriri webato VaChris Mutsvangwa, avo vakakurudzira Mangudya kuti amhang’are nyaya iyi kumapurisa.

Mushandi mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaTafadzwa Mugwadi, vavimbisa Mangudya kuti sebato vachaferefeta nyaya iyi kusvika kumagumo uye kutorera matanho vamushungurudza.

Mangudya anga asati amhang’ara kurohwa nekushungurudzwa kwake uku kumapurisa achiti vamurova ava vatomuvimbisa kuti kana akada kunotaura nyaya iyi kumapurisa iye ndiye anonosarako.

Kushungurudzwa kwevatori venhau vemasangano asiri pasi pehurumende nenhengo dzeZanu PF munguva dzesarudzo zvinhu zvinogara zvichiitika nguva zhinji, kunyange hazvo mumazuva adarika nhengo dzebato reCitizens Coalition for Change dzakanzi dzakashungurudzawo vatori venhau.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG