Mutungamiri wesangano reCEO Africa Round Table VaKipson Gundani vakapeta misangano yavo muAmerica neChishanu vachiti vakakwanisa kuwana makambani ekudyidzana nawo akati kuti.
Asi VaGundani vanoti vakatarisana nedambudziko rekuti imwe kambani huru yemuWashington D.C., iyo iri kutoshanda muZimbabwe nechakare yakatomira kudyara mari yayo munyika pamusoro pezvirango zvakatemerwa vamwe vakuru muhurumende.
Vanoti vakaita musangano nekambani iyi iyo yakaramba yakatsika madziro panyaya yekusadyara mari yayo munyika, asi vakati izvi hazvisi kuzovadzosera kumashure.
Pasi pechirongwa ichi vakashanyira maguta eTexas, New York ne Washington D.C..
"Tiri kufara nemisangano yatakaita asi nyaya yezvirango zvehupfumi yakatikanganisa pane imwe kambani yatanga tichida kushanda nayo," VaGundani vakaudza Studio7.
Facebook Forum